Muchaneta Chimuka
GORORO rechikadzi rinonzi rakapindira mumwe mudzimai muchimbuzi umo akanga ari mushishi kuzvibatsira kwava kumumwaya mhiripiri yakakuyiwa mumaziso ndokumutorera bhegi raive neUS$1 287 kwaMurewa.
Ruvimbo Mthetwa (31) wekuDomboramwari Business Centre kwaMambo Mangwende, akatomiswa mudare reMurewa Magistrates Court pamberi pemutongi Gamuchirai Gore nekuda kwemhosva iyi.
Akanzi adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo pachaonekwa kuti akakodzera kuti apihwe bhero here kana kuti kwete.
Mthetwa anonzi akashandisa chisimba kune mumhan’ari, Linda Kariwo (36), wepanhamba 1651 Siskdale, kwaMurewa.
Anonzi akamumwaya mhiripiri yakakuyiwa kumeso panguva iyo akanga ari kuzvibatsira muchimbuzi kwave kumutorera bhegi rake raive nemari inosvika US$1 287.
Mushure mezvo, Mthetwa anonzi akabva adzipa Kariwo pahuro achimutyisidzira kuti aizomuuraya kana achinge angoedza kuridza mhere.
Kariwo anoshanda saEcoCash Agent paMudhe Complex paDomborembudzi Business Centre.
Vaviri ava havana ukama asi vanoshandira pamuzinda mumwe chete weMurewa Business Complex.
Nyaya iyi yakaitika masikati apo Kariwo akapinda muchimbudzi paMudhe Business Complex.
Anonzi akabva ateverwa naMthetwa uyo ainge akapfeka helmet aine kajira kapfumbu.
Kariwo anonzi akaedza kumutaurira kuti ainge ari kuzvibatsira muchimbuzi umu asi iye haana kuita hanya nazvo.
Kariwo paakaona kuti zvinhu zvainge zvisina kumira mushe akabva angosimuka achimhanyira kumusuwo wechimbuzi apo Mthetwa anonzi akabva amumwaya mhiripiri yakakuyiwa kumeso kwake senzira yekuti ange achimutorera bhegi raive nemari.
Vaviri ava vanonzi vakakikiritsana vari muchimbuzi apo Kariwo aiedza kuzvidzivirira achibva adzipwa pahuro asi akaramba achidaidzira kune veruzhinji kuti vamununure.
Vanhu vaive padyo vakabva vauya uye panguva iyi, Mthetwa akakanda bhegi riye panze.
Veruzhinji pavakamununudza, Kariwo akazoona kuti mubhegi make mainge mangosara US$915 kureva kuti US$372 yainge yabiwa.
Kariwo akabva aenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaDomboramwari Police Base zvakaita kuti Mthetwa asungwe.
Mthetwa ari kutongwa nemhosva yekuba achishandisa chisimba (Contravening Section 126 (1)(a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23 Robbery).




