Mhondi yekuuraya vanhu 5 vemhuri imwechete yotsvagwa

Fungai Lupande

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kutsvaga nemaziso matsvuku munhu akaponda vanhu vane chitsama, kusanganisira vashanu vemhuri imwechete husiku hwemusi weSvondo wadarika kuGuruve, kudunhu reMashonaland Central.

Commissioner Paul Nyathi vanova mutauriri wemapurisa munyika vanoti ari kutsvagwa ndiAnymore Zvitsva uyo anofungidzirwa kuti ane chekuita nekupondwa kwevanhu vakawanda kuGuruve. Hazvina kuzivikanwa kuti murume uyu ane ukama here nevanhu vaanonzi akaponda ava.

Comm Nyathi vanoti mapurisa ari kushandisa unyanzvi hwese mukutsvaga mhondi iyi uho hunosanganisa mishina yekuongorora yemuchadenga (drones) uye pane mushandirapamwe weshasha dzekuchikamu cheSupport Unit, Criminal Investigations Department (CID), Canine Unit neHorse Patro.

“Zvikwata izvi zviri kutsvaga mumasango ose eko nemumakomo uko kunofungidzirwa kuti murume uyu akahwanda,” vanodaro Comm Nyathi.

Vanoti vanhu vachangobva kupondwa vashanu ava vemhuri imwechete ndevepaPlot 9 papurazi reOna.

Vakapondwa ndiGrace Zvitsva (66), Loice Chiringaushe (37), Takudzwa Kariva (5), Tatenda Chirenje (2) naTendai Zvitsva (40).

Munyaya iyi, zvinonzi muvakidzani akanzwa ruzha kumba kwemhuri iyi rwaasina kunzwisisa uko akazomhanyira akawana Tendai Zvitsva akuvadzwa zvikuru apo akatakurwa asi ndokushaika achangosvika pachipatara cheGuruve Hospital.

Comm Nyathi vanoti murume uyu ari kutsvagiwa zvakare nenyaya yehumhondi huchangobva kuitika kwaSabhuku Zimuna kudunhu raMambo Bepura kuGuruve kwakare uko kwakapondwa Pamela Chipangura, Kudzai Chipangura, naTawanda Chipangura.

Mapurisa ari kukumbira veruzhinji kubatana navo mukutsvaga mhondi iyi.

Vari kukurudzira veruzhinji kuti varidze nhare kuNational Complaints Desk panhamba dzinoti (0242) 703 631, kushandisa dzeWhatsApp dzinoti 0712 800 197 kana kuzivisa mapurisa ari padyo navo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *