Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wemubhuku raNechiva kuDema, kwaSeke – Noreen Mandevane (27) – akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere izere mushure mekubatwa nemhosva yekupamba vasikana vaviri uye ndokuvatorera nharembozha dzavo achiti vanodanana nemurume wake.
Vasikana vakapambwa nemudzimai uyu ndiShyleen Majanga nemuzukuru wake, Kiara Taderera.
Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, VaBatsirai Madzingira, vakange vatemera Mandevane chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri asi vakazomubvisira mwedzi mina nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yemhando iyi makore mashanu asati apfuura.
Akatongwa nemhosva mbiri dzekupamba pasi pechikamu chemutemo weKidnapping As Defined in Section 93(1)(b) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.
Muchuchisi, Shamiso Charmaine Mwapangira, akaudza dare kuti nomusi wa19 Mbudzi gore rapera, kubhuku raNechiva, kuDema, Mandevane akashaisa rusununguko kuna Majanga wemubhuku rimwe chete iri.
Majanga akanga achifamba nemuzukuru wake, Taderera, apo vakasangana naMandevane uyo ainge aine mamwe madzimai maviri vasati vabatwa.
Mandevane anonzi akamisa Majanga achibva atanga kumupomera mhosva yekudanana nemurume wake, uyo waakangoti anonzi Franco, asi akarambisisa mhosva iyi.
Mandevane akabva ashevedza Tanatswa Makuza anove shamwari yaMajanga uye paakasvika akabva atanga zvakare kumupomera mhosva imwe chete iyi asi akairambisisa.
Musungwa akabva atora nharembozha yaMakuza yemhando yeAwesome A80 ndokutanga kuverenga mameseji aivemo asi haana kuzomudzorera.
Akabva atora zvakare nharembozha Majanga yemhando yeSamsung Galaxy A75 neyemuzukuru wake, Taderera, yemhando yeHuawei achibva avhura achitarisa nhamba dzakasevhewa achiti ari kutsvaka nhamba dzemurume wake asi hapana chaakaona uye haana zvakare kuvadzorera nharembozha dzavo.
Mandevane akazouya nepfungwa yekuti atorane naMajanga uye muzukuru wake naMakuza kuti aende navo kumba kwemumwe mukadzi anonzi Amai Tino.
Aiti Amai Tino ndiye ainge amunyeurira nezvenyaya yerudo rwaaiti rwuri pakati pemurume wake nevasikana ava.
Zvisinei, Makuza akaramba akabva aenda kumba kwake zvakaita kuti aende naMajanga bedzi.
Mandevane akange audza Makuza kuti aizopa nharembozha yake kunaMajanga asi haana kuzoita sekudaro.
Vakafamba kwechinhambwe chemamita makumi mashanu, imwe motokari yakabva yasvika ikamira iine mamwe madzimai maviri asati abatwa.
Madzimai aya vanonzi vakakwenya kumusana kwaTaderera vachibva vabva vapinda naye mumotokari iyi.
Majanga anonzi akateverawo ndokupinda mumotokari iyi achiedza kununudza muzukuru wake, Taderera, asi musuwo wemotokari wakabva wavharwa vachibva vataurirwa kuti vagare nechekumashure kwemotokari.
Motokari iyi yakabva yakananga kuChitungwiza uye panguva iyi Majanga akabva asungwa muromo nemaoko nejira reruvara rwupfumbu.
Motokari iyi pakayasvika paJambanja, muzukuru waMajanga akakumbira kuzvibatsira, motokari ichibva yamira akabuda.
Pakangovhurwa dhoo remotokari iyi zvishoma, vaviri ava vakange vabatwa hunhapwa vakabva vabuda ndokutiza.
Panguva imwecheteyo, motokari iyi yakabva yatiza nenharembozha dzevamhan’ari dzinokosha US$200.
Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa izvo zvakazoona Mandevane achisungwa.




