Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wemakore 47 ekuberekwa wekuLower Gweru kudunhu reMidlands odemba rudo rwekubiridzira urwo akaita nechikomba chake musango apo akazowanikidzwa nemurume wake vachisasana zvakaita kuti arohwe zvakaipisisa zvekuitwa kafiramberi.
Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa10 Nyamavhuvhu nenguva dza1640 hours mumusha waSabhuku Mawudo kwaMambo Bunina kuLower Gweru.
Getrude Maphosa (47) anonzi akaonekana kumba nemurume wake, Themba Ncube, achiti akanga ava kuenda kumba kwatete vake munzvimbo imwe chete iyi.
Mushure menguva inoita maminitsi makumi maviri, Ncube akazoenda kumafuro uko aida kunokokorodza mombe dzake apo akanosangana nemashura ekuona mudzimai wake achishinha musango nemumwe murume waasina kuziva.
Mudzimai uyu paakaona murume wake, akabva atiza achienda kumba achisiya chikomba chake icho chakatizawo nemusango.
Ncube akazotevera kumba kwavo kwaiva kwatizira mudzimai ndokunomubvunza nezvenyaya iyi yekushinha nechikomba musango.
Mudzimai uyu anonzi akaramba achiti murume wake akanga asina kuona iye munyaya dzaaimupomera idzi.
Nyaya iyi haina kuzomira mushe apo murume uyu akaviruka nehasha ndokutanga kurova mudzimai wake uyu nezvibhakera nembama uyewo nebhutsu, kusanganisawo neshamu nesimbi muviri wese zvakaomarara.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mudzimai uyu akakuvadzwa zvikuru muviri wese pakurohwa uku.
Akazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheGweru Provincial Hospital kunorapwa.
“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa Themba Ncube achibva asungwa nemhosva yekurova mudzimai wake yaari kupomerwa achitarisirwa kuendeswa kumatare edzimhosva munguva pfupi iri kutevera. Zvakadai, Getrude Maphosa ari muchipatara cheGweru Provincial Hospital achirapwa uko upenyu hwake huri pakaipa,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa anokurudzira veruzhinji kuti kana pane zvinonetsa vanofanirwa kutsvaga nzira dzakanaka dzekugadzirisa matambudziko avo mune zvakanaka.
Vanogona kutsvagawo vayananisi vakaita semapurisa, masabhuku, madzishe, mafundisi nevamwe vakuru vemunzvimbo dzavanogara.




