Mufundisi ave rombe nekutamba ‘kandege’ . . . mari yechegumi yaperera munjuga

Kingstone Mapupu

MUFUNDISI uye muvambi wechechi yePower of the World Ministry yemuHarare, Wellington Chinzara (40), anoti akanyengerwa kusiya zveBhaibheri ndokupinda mune zvekutamba njuga yemhando ye”kandege”, izvo zvakamupedzera mari yose, ndokusara ave rombe.

Mufundisi Chinzara, uyo kumusha anobva kwaSabhuku Madziya, kwaMambo Mangwende, kwaMurewa, anoti upenyu hwake hwakaparadzwa nokuda kwekutamba njuga.

Mufundisi uyu parizvino anogara kuKuwadzana, muHarare, uko anoroja.

Anoti hakuna chaakasara nacho nokuda kwekutamba “kandege”.

“Ndakatanga ndichipinda mamwe machechi makuru akasiyana-siyana ari munyika muno, ndokuzovamba yangu chechi inonzi Power of the World Ministry. Rimwe zuva ndakazonyengerwa nemumwe wangu wandainamata naye, ndokunopinda muimba inotambwa njuga muguta reHarare, achiti titsvage chenji, ndokutanga kutamba ‘kandenge’,” anodaro Mufundisi Chinzara.

Anoti musi wokutanga akahwinha US$150 mushure mekushandisa US$10. Nokuda kweizvi, mutambo uyu wakaramba uchimukwezva kusvikira ave kutora mari yekuchechi neyekumwe kwakasiyana-siyana, achitamba njuga iyi.

“Ndakatanga kunakidzwa nekutamba njuga ye‘kandege’ iyi, ndave kutora mari yemupiro kuchechi, yechegumi neimwewo yakasiyana-siyana. Ndaivewo nekambani yangu yekuisa mapavement, iyo yakazotanga kuparara. Ndaivewo nedzimba, motokari nemasitendi, izvo ndakatanga kutengesa ndichitsvaga mari yekunotambisa njuga,” anodaro Mufundisi Chinzara.

Anoti asvitsa makore matatu achitamba njuga, izvo zvakonzera kuti atengese motokari nhanhatu.

Pamusoro pezvo, mufundisi uyu anoti akatengesawo imba yake yekuUshewokunze nemasitendi aive kuGlaudina, muHarare; nekwaMurewa; kwaBhora; uye kuGoromonzi.

“Vanamati kuchechi vakatanga kutiza sezvo ndainge ndapedza kutora mari yechechi. Vemhuri chaivo, kusanganisira mudzimai nevana, vakatanga kutaramuka. Kambani yangu yeSkylands Landscaping yakasvika pakuparara,” anodaro Mufundisi Chinzara.

Anoti akasvika pakushandisa mari inodarika US$350 000 achitamba “kandege”, upenyu hwake ndokuenda kumawere.

“Panguva iyi, ndakazoshaikirwa nemudzimai wokutanga, ndikazotora mumwe, uyo parizvino anogara kumusha, kwaMurewa. Ndine vana vaviri. Vose vari kushaya chokubata nokuda kwemamiriro akaita zvinhu,” anodaro Mufundisi Chinzara.

Anoti pane vanhu vaakakwereta mari inosvika US$10 000, iyo inoda kudzoserwa.

Mufundisi uyu anoti ave kudya nhoko dzezvironda, nokudaro ari kutsvagawo rubatsiro kubva kune voruzhinji.

“Zvose zvandakaita izvi zvinopesana nemirairo yeBhaibheri. Kwaive kunyengerwa chete. Ndinokumbirawo kusimudzwa kuti ndimutsiridze sangano rangu, ndotangawo basa rangu rekambani yekuvaka uye ndiwanewo pokugara nekuitawo zvimwe zvakanaka mukurarama. Ndave chiseko chenyika,” anodaro Mufundisi Chinzara.

Murume uyu anoti chechi yake yaive yapambira kunzvimbo dzinosanganisira kwaMachipisa, kuHighfield, neWhite House, muHarare, uye kuChitungwiza.

Anoyambira voruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutamba njuga.

Mufundisi Chinzara anoti dzimwe nguva anombofunga kuzviuraya nokuda kwekuomerwa kwaakaitwa neupenyu.

“Izvozvi handisisina hama nokuda kwenjuga. Sangano rangu rakaparara. Ndinodawo kubatsirwa kuti ndisimuke,” anodaro.

Zvakadaro, mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira voruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekutamba njuga, vachiti kune vamwe vakatosvika pakuzviuraya mushure mokunge vaparadza upfumi hwavo hwose.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *