Muchaneta Chimuka
MURIMI wekuBindura, VaCardmelon Manatsa, vepapurazi reKunatsa Estate, apo pane mahekita 480 echibage uye 300 esoya bhinzi, voita zvinorova nekuvandudza zvirimwa izvi pamwe chete nemukaka wemombe, izvo zviri kuita kuti mabasa avo aendeke.
VaManatsa vanochengeta mombe dzemukaka. Padzinokamwa, mukaka wacho unogadziriswa zvakasiyana-siyana zvinosanganisira mukaka wehodzeko, uyo unofarirwa nevanhu vakawanda. Mukaka uyu vanouisa mumapakiti, kwave kuutengesera voruzhinji.
“Budiriro yangu mukurima yakabva mukushanda nesimba. Ndakatanga kurima kumakore a1978 ndichishandisa manyowa. Kunyangwe nhasi uno ndiri kuwanza manyowa anobva pauswa hwatinosakura, mashanga echibage, ndove yemombe neyezvimwe zvipfuyo. Ndiri kutarisira kuwana goho rematani mapfumbamwe pahekita uye pasoya bhinzi matani 3.5 pahekita,” vanodaro.
VaManatsa vanoti divisi rekubudirira munyaya dzekurima kugona kushanda zvakanaka nemadhumeni uye vatsigiri.
“Ndinoda kutenda kambani yeSeed Co yakandiwanisa mbeu dzandinorima pano uye veIntro Lab vari kuita ongororo dzakasiyana-siyana maringe nechikafu chinodiwa nezvirimwa,” vanodaro.
VaManatsa vanorima zvakare mbatatisi.
Murimi uyu anoshandisa madiridziro emhando yemacentre pivot akakura, ayo anobata minda yose.
Vachitaura mushure mekushanyira purazi iri svondo rapera, munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa — Professor Obert Jiri — vakapembedza zvikuru mabasa ekurima ari kuitwa naVaManatsa.
“Chibage nesoya bhinzi zvataona pano zvagutsa meso edu, saka ndinoti dai munhu wose, kunyangwe ane kamunda kadiki, aita zvimwe chetezvo. Handioni nyika ichiita nzara kana vanhu vane kwashi nokuda kwekushaya kudya kune utano kana tikatevera matsimba aya. Chitsvambe chandinokusiirai ndechokuti munge muchivakawo zvitoro kana mafekitari paminda yenyu ipapo muchivandudza zvirimwa zvenyu pamwe nekuzvitengesa kuti zvibatsire vanhu vari munharaunda dzenyu kuitira kuti vasadhurirwe nekufamba nzendo ndefu kunotenga kumadhorobha nemaguta ari kure,” vanodaro.
Prof Jiri vanoti zvichitevera hondo iri kuitika kuMiddle East, mitengo yezvinhu zvakaita sefetireza nemishonga iri kuramba ichikwira, zvinova zvinoshungurudza varimi. Nokudaro, vanokurudzira kugadzirwa kwefetireza nemakambani emuno.
VaZiggy Nyahuma, vanove production manager paKunatsa Estate, vanoti kurima kwematsutso kuri kuitwa nemurimi uyu kwakakosha nokuti kunoita kuti ivhu risayeredzwe nyore uye kunobatsira mukuchengetedzwa kwezviwanikwa netumbuyu twunowanikwa muvhu.
VaElias Kudyanyemba, vanove agricultural provincial director mudunhu reMashonaland Central, vanoti VaManatsa nevamwe varimi vatove munzira kugadzirira kurima gorosi remuchando pavanopedza kukohwa chibage nesoya bhinzi.
“Murimi haana zororo asi anowana goho nemari yakawanda akaramba akatsunga. Mushure mekukohwa, tinokurudzira varimi kuti vabve vatotanga kugadzira minda yavo kuti vazodyara gorosi remuchando,” vanodaro.
VaKudyanyemba vanoenderera mberi vachiti: “Chikamu che70 percent chechibage chakarimwa muno chiri kubudirira uye 20 percent hachina kumira zvakanaka, apowo chikamu che10 percent ndechevarimi vakarima chibage munharaunda dzisingaiti chibage, saka kurasikirwa kunotarisirwa. Chimiro chezvipfuyo chichakanaka zvikuru.”
Mai Wendy Madzura, vanove head of agronomy services kuSeed Co, vanoti kugona kurima kunotanga pakusarudza mbeu kwayo, kutevedza zvinotaurwa nevarimisi nekugona kubata mwaka wekurima.



