Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 22 okuberekwa wekuMberengwa anonzi akabaiwa nebanga nasahwira wake ndokufa mushure mekunge amutsvinyira achiti akatapurirwa chirwere chenjovhera nemumwe mukadzi anoita basa rekutengesa muviri.
Nyaya iyi yakaitika nemusi wa25 Kurume nenguva dza2 mambakwedza mubhawa reDeo Night Club panzvimbo yemabhzimisi yekwaYork Centre, kuMberengwa.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Elvis Gwatimba nasahwira wake, Jimson Sibanda (19), wemumusha waSabhuku Jiti kuMberengwa vainwa doro mubhawa apo pavakatadza kuwirirana.
“Pavainwa doro apa, Gwatimba akatanga kutsvinyira mumwe wake achimupomera kuti aiva akazadzwa chirwere chenjovhera nemumwe mudzimai anotengesa muviri munzvimbo iyi. Izvi hazvina kufadza Jimson Sibanda akabva abuda mubhawa umu neshungu,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti Sibanda akazodzoka mushure menguva inoita awa imwechete ndokushevedza Gwatimba panze kurima kunzvimbo yakavandika uko akanomubaya nebanga remukicheni pachipfuva.
“Murume uyu akapunzikira pasi nekuda kwekubaiwa uku achibva afenda ndokuzotakurwa kuendeswa kuchipatara cheMberengwa District Hospital nevamwewo vanhu vakazvipira kumubatsira uko akasvika achifa,” vanodaro Insp Mahoko.
Nyaya iyi yakasvitswa kumapurisa eZRP Mberengwa, Sibanda achibva asungwa ipapo ari kumba kwehama yake kwaSabhuku Munyamana kudunhu raMambo Mapiravana.
“Banga rakashandiswa kubaiswa Elvis Gwatimba rakabva rawanikwa ndokuchengetedzwa seumbowo nemapurisa. Murume uyu akachengetedzwa nyaya iyi ichifambira mberi nekufeewa uye anotarisirwa kuzopinda mudare munguva inotevera nekuda kwemhosva yekuponda yaari kupomerwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoyambira veruzhinji, senguva dzose, kuti vasagadzirise kupesana kwavo nekurwisana kana kutora mitemo vachiisa muhomwe dzavo asi kuti vatsvage vayananisi.
“Nyaya dzekurwisana dzinoguma vamwe varasikirwa neupenyu kana kukuvadzana. Vanhu vakaona vanetsana ngavatsvage vayananisi vakaita semapurisa, masabhuku, madzishe kana vamwe vatungamiri vemunzvimbo dzavari,” vanodaro Insp Mahoko.
Kune vanhu vane mashoko akasiyana-siyana avanoda kusvitsa kumapurisa ekudunhu reMidlands, vanokurudzirwa kuridza nhare panhamba dzinoti 0542221073 kana 0778 069 322.



