Murume (46) abaiwa nabanga arambidza munhu kupinda muchimbuzi

Munyori weKwayedza

MURUME wekwaSeke ane makore 32 ekuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu izere zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekubaya munhu nebanga mushure mekunge arambidzwa kupinda muchimbuzi icho chainge chiri kunzi hachishandi.

Botso rechimbuzi iri rakasiya mumhan’ari, Samuel Veremu (46), wekwaSeke aine maronda pachigunwe apo akabaiwa kamwe-chete nebanga naTapiwa Nyengeri.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, VaBatsirai Madzinga, vakapa Nyengeri chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu izere.

Pakutanga, vainge vamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi asi vakazomubvisira mwedzi mina nechitsidzo chekuti haafaniri kupara mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti nomusi wa26 Kubvumbi munguva dzemanheru, mumhan’ari ainge ari kubasa kwake kuUnit L Shopping Centre apo Veremu akapinda muchimbudzi achibva amutaurira kuti chainge chisiri kushanda.

Izvi zvakamutsa gakava iro rakazoguma nekubaiwa kwaVeremu nebanga pachigunwe.

Veremu akakuvara zvikuru achibva aenda kunorapwa uye magwaro ekwachiremba akabudiswa mudare seumbowo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *