Murume (52) akatsva gumbo nemoto wembaura rikazodamburwa

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuEpworth uye kumusha achibva kwaSabhuku Kazangarare kwaMurombedzi, kwaZvimba anoti anodemba kudziya mbaura kwaakaita makore matatu akadarika zvakazokonzera kutsva makumbo ose ndokuzodamburwa rimwe racho.

VaMaxwell Mambo (52) vanoti vakatsva makumbo ose nemoto wembaura iyo vakanga vaisa muimba mavairara usiku hwemusi wa23 Chikunguru mugore ra2023 apo vaive voga mumba.

“Semunhu anogara woga, sezvo ndakasiyana nemudzimai kare, ndakatora mbaura ndokuisa marasha ndikaigadzika panze apo ndakazoitora ndava kuisa mumba kuti mudziye. Mushure mechinguva chakati kuti, ndakabva ndafenda ndokutadza kuziva zvandiri ndafema hutsi hwemarasha,” vanodaro VaMambo.

Vanoti pavakafenda, vakanorara nemusana pamubhedha makumbo avo ose maviri ndokunoisa tsoka pamusoro pembaura ndokutanga kutsva vakadaro.

“Ndakagotywa makumbo ose moto ndokukwira netarauzi kusvikira kunhengo dzakavandika magumbeze andaiva ndirere pamusoro pawo pamubhedha ndokubatira moto zvakare ndikatsva pasina zvandaimbonzwa,” vanodaro VaMambo.

Vanoti vakazopatika pave paye vachiona mumba mazara hutsi apo vakazokambaira kuenda kumusiyo vakanovhura gonhi ndokuba kunze.

“Ndakazoshevedzera vanhu ndikazotakurwa kuendeswa kuchipatara chekuGomo (Sally Mugabe Central Hospital), uko ndakanopedza mwedzi yakawanda ndichirapwa kusvikira ndakazodamburwa gumbo,” vanodaro VaMambo.

Murume uyu, uyo anoita basa rekuveza, anoti nekuda kwehurema hwekutsva uku haachakwanisa kuita basa rake zvakanaka.

“Ndairarama nekuveza zvinhu zvakaita semawodhiropu, mibhedha, makitchen unit nezvimwe zvakasiyana izvo ndisisakwanise kuita nekuda kwekutsva uyewo nekuzodamburwa gumbo uko ndakaitwa,” vanodaro VaMambo.

Vakadamburwa gumbo rekuruboshwe uyewo vane maronda kumakumbo ose avanoti ari kuramba kupora anogara achida mishonga zvinoita kuti vashanyire zvipatara nguva dzose vachinorapwa.

“Ndine maronda anogara achida kurapwa asi mari yacho handisisina. Pane ronda rakadziuka patsapfu rinogara richirwadza,” vanodaro VaMambo.

Vanoti vakagara muchipatara kubva mumwedzi waChikunguru kusvika Zvita muna 2023.

“Kubvira mugore iri ra2023 kusvika izvozvi, ndiri munhu anongogara ari kuchipatara nguva dzose. Mapiritsi anodiwa nemishonga handikwanise kuzvitenga semunhu asisashande,” vanodaro VaMambo.

Rimwe basa ravaiita raive rekuturika marata edzimba, izvo vanoti havachagona kukwira pamusoro pedzimba.

“Ndine yambiro huru kuruzhinji kuti sezvo tava kusvika munguva yechando, vasadziye moto wembaura vachiisa mudzimba dzavanorara nekuti vanogona kutsva kana kufa. Ini ndava chirema nekuda kwembaura,” vanodaro VaMambo.

Vanoti masahwira neshamwarikadzi dzavaifambidzana nadzo panguva yavaigona kuzvishandira havachavaona.

“Ndakazvionera kuti vanhu vanokuda zvinhu zvakanaka, izvozvi masahwira nevakadzi vandaidanana navo vakanditiza, saka kwekuwana rubatsiro chaiko hakuna,” vanodaro VaMambo.

Zvakadai, mapurisa vanogara vachiyambira veruzhinji kuti vangwarire njodzi dzavanogona kusangana nadzo mumwaka wechando.

Njodzi idzi dzinosanganisira kushandisa kana kudziya moto webhaura dzemarasha mudzimba munenge makavharwa magonhi nemahwindo sezvo paine mukana mukuru wepfumbirwa nehutsi hwacho izvo zvinogona kukonzera kuti vanhu varasikirwe neupenyu.

Commissioner Paul Nyathi vanova mutauriri wemapurisa munyika vanoti kune vanhu vane chitsama vanofa nekutsva nemoto wembaura mumwaka wechando gore roga-roga.

“Marasha anoiswa mumbaura ane mweya unokachidza unouraya ukafemwa nevanhu, saka ikurudziro yedu kuti vanhu vasaise mbaura mudzimba sezvo vanogona kurasikirwa neupenyu,” vanodaro Comm Nyathi.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×