Murume (56) opomerwa kubata chibharo hanzvadzi inorwara nepfungwa

 Dalyn Chigwizura

MURUME ane makore 56 okuberekwa wekuBulawayo akamiswa mudare reko achipomerwa mhosva yekubata chibharo hanzvadzi yake yemakore 44 uyo anove murwere wepfungwa.

Musungwa uyu, uyo anogara kuMpopoma uye zita rake risingakwanise kuburitswa senzira yekuchengetedza mumhan’ari, akamiswa pamberi pemutongi wedare reWestern Commonage Courts, VaPasipanodya Maturure, avo vanove regional magistrate, achipomerwa mhosva yekubata chibharo.

Akaendeswa mutorongo kusvika musi wa24 Kurume 24 apo achadzoka kudare kuti nyaya yake ienderere mberi nekutongwa.

Muchuchisi, Muzvare Melissa Dube, vakaudza dare kuti muna 2025, musungwa anonzi akabhinya hanzvadzi yake, iyo yaanogara nayo, kakawanda.

Dare rakanzwa kuti nyaya iyi yakazobuda pachena muna Zvita apo mumhan’ari akataurira aimbove mudzimai wemusungwa nezvekubatwa kwake chibharo.

Aimbova mudzimai wemusungwa uyu akabva akazivisawo mukoma wemusungwa muna Kurume gore rino.

Izvi zvakabva zvaita kuti murume uyu asungwe.

Mumhan’ari akazoendeswa kuchipatara kunoongororwa nanachiremba uye gwaro rezvakabuda richabuditswa mudare seumbowo.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *