Murume arwiswa nemakororo 15 ndokupisirwa mudhudhudhu wake

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 53 okuberekwa anove murindi pane imwe kambani kuShurugwi akarwiswa nemakororo 15 aive akapakata mabhemba, matemo nemapfumo avo vakamubira mari yake uye ndokuzopisa mudhudhudhu wake.

Anonzi akasangana nemakororo aya apo aiva mumugwagwa panzvimbo yemabhizimisi yeMambava kuShurugwi nemusi wa10 Kukadzi nenguva dza7pm achityaira mudhudhudhu vachibva vamumisa.

“Brighton Zirare anova murindi weimwe kambani aityaira mudhudhudhu werudzi rweATA achienda kuLadville Main Site, apo akasvika panzvimbo ine chisango akabva amiswa nevarume gumi nevashanu vaiva vakapata mabhemba, mapfumo, matemo nemasimbi. Vakabva vamumanikidza kuburuka pamudhudhudhu wake,” vanodaro Inspector Emannuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands.

Vanoti varume ava vakatanga kurova Zirare nezvombo izvi vachimutema nemabhemba vachibva vamusecha ndokumutorera US$260, chitupa nenhare yemhando yeSamsung ndokuzopisa mudhudhudhu wake.

“Zirare anoti pakubirwa uku, akakwanisa kuziva vanhu vane mazita ekutanga anoti Amos, Kelvin naKundi. Murume uyu akakuvara zvikuru muviri wese, kusanganisira musoro nekumusana, nekuda kwekutemwa nemabhemba nekurohwa uku,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kuShurugwi ndokutanga kuferefetwa uye mapurisa akaona mudhudhudhu uyu watsva wose.

“Tiri kukumbira kuruzhinji vane ruzivo nekuda kwemakororo aya kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kuitira kuti vakapara mhosva iyi vakwanise kusungwa. Tinokurudzirawo veruzhinji kuti vasatakure mari yakawanda pakufamba,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *