Murume wemakore 22 asungirwa kubata chibharo mwana wemuvakidzani (11)

Munyori weKwayedza

MUMWE murume ane makore 22 okuberekwa akasungwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police kuKotwa nemhosva yokubata chibharo mwana wemuvakidzani wake ane makore 11 okuzvarwa.

Mutauriri wemapurisa edunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanoti, nyaya iyi yakaitika nomusi wa30 Nyamavhuvhu gore rino apo amai vemwana uyu, avo vane makore 36 okuberekwa, vakasiya mwana uyu aine vanin’ina vake vaviri — ane makore maviri nemumwe ane makore matanhatu.

Amai ava vakange vari kuenda kumusangano wechechi.

“Pazuva iri, kuma2300, musungwa uyu akaenda kumba kwemumhan’ari, achitora mukana wekusavepo kwaamai vake, achibva apinda mumba umu nechisimba.

“Akabva amutsa mwanasikana uyu, ndokumutaurira kuti aifanira kumutevera kwaakange oda kuenda naye asi akaramba. Musungwa uyu anonzi akazobata mwana uyu nechisimba, kwave kumudhonzera panze. Mwana akaridza mhere asi akadzipwa pahuro nemurume uyu, achimutyisidzira kuti aizomuuraya,” vanodaro Inspector Chazovachii.

Vanoti musungwa uyu akabva adhonzera mwana uyu kurwizi rwuri pedyo, achibva amubata chibharo kamwe chete.

“Mushure mekumubata chibharo, musungwa uyu akabva audza mwana uyu kuti adzokere kumba, iye achibva atiza. Mwana paakasvika kumba akataurira mumwe muvakidzani wavo ane makore 29 okuberekwa, uyo akabva amhanya kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaKotwa. Akabva atora vana vatatu vainge vasiiwa naamai vavo, ndokuvachengetedza,” Inspector Chazovachii vakawedzera.

Vanoti mwana uyu akaendeswa kuKotwa District Hospital kunovhenekwa, nyakubata chibharo achibva asungwa. Vanotizve ongororo iri kuenderera mberi.

“Tinokurudzira vabereki kuti kana vachifamba nzendo vasasiye vana vari voga nokuti kune vanhu vasina mwoyo, vangave veukama kana vavakidzani vakaita seuyu akazobata chibharo mwana pakati pousiku. Tinotenda zvikuru vavakidzani vakaita semudzimai uyu akakurumidza kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, achipa zvakare chengetedzo kuvana vemumwe mugarisani wake. Kune vapari vemhosva kana vangade kuzopara mhosva dzakadai, tinoti ruoko rurefu rwemutemo harwufi rwakakufuratirai. Kubata vana imhosva huru inoendesa kujeri kwemakore mazhinji, saka tinoti hokoyoyi,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *