Mutongi otsoropodza murume wekurikita mudzimai ne‘mop’

Danisa Masuku

MURUME wekuBulawayo, uyo akarova mudzimai wake senyoka yapinda mumba ne“mop” pamwe chete nezvibhakera mushure mekunge vatadza kuwirirana, akapihwa chirango nedare chekunzi abhadhare faindi yeUS$100 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi mitatu.

Sikhulumeli Kole (44) akamiswa pamberi pemutongi VaGolden Muyambo vedare rekuBulawayo avo vakamutevera chirango ichi nemusi weChitatu svondo rapera.

Pamusoro pezvo, mumwe mutongo wekuti agare mujeri kwemwedzi mina wakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Pakupa mutongo, mutongi akataura kuti nyaya dzemhirizhonga dzemudzimba dziri kuwanda munzvimbo iyi uye akayambira Kole kuti asarova mudzimai wake, achiti varume vanoita izvi vane maitiro “eutsinye kana kushaya hunhu”.

“Maitiro akadai ndeeutsinye. Kana muine kusawirirana nemudzimai wako, zviri nani kutsvaga rubatsiro rwekupangwa mazano kune vamwe vanhu vakaita sevafundisi kana vemumhuri vanovimbwa nayo pane kutora mutemo uchiisa mumaoko ako,” vanodaro VaMuyambo.

Muchuchisi, Mai Sibusisiwe Sithole, vakaudza dare kuti nemusi wa11 Kubvumbi 2026, nenguva dza10 mangwanani, pakamuka gakava guru pakati paKole nemudzimai wake, Thenjiwe Dube (43), uyo anoshanda kukanzuru yeguta reBulawayo.

“Kole akasvika kumudzimai wake nenzira ine hasha, achida kuziva kuti sei achiri kuchengeta gwaro rechibvumirano chekutengesa chinhu (agreement of sale document). Gakava iri rakakurumidza kushanduka kuita zvechisimba apo Kole akadhonzera Dube kupaseji.

“Akabva amurova kakawanda mumuviri wese achishandisa zvibhakera uye ‘mop,’” vanodaro.
Dube akazoongororwa nachiremba, uye gwaro rinotsanangura kukuvara kwaakaita rakabuditswa mudare seumbowo.

Pasina kana mavhiki maviri akange apfuura, musi wa27 Kubvumbi 2026 nenguva dza6 mangwanani, Kole akarova mudzimai wake zvakare.

Chiitiko ichi chakaitika apo Dube akanga achigadzirira kuenda kubasa. Paakatora makiyi emotokari, Kole akamubata zvakasimba pakora yehembe yake ndokumuruma paruoko rwake rwerudyi kuitira kumudzivisa kuti asatyaira motokari achibva pamba apa.

Related Posts

Mapurisa otsvaga gororo rakaba mbudzi gumi

Lovemore Kadzura MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuChipinge ari kutsvaga murume akaba mbudzi gumi ndokuuraya dzimwe apo dzakasara dzacho dzakazowanikwa dziri mudanga rake. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant…

‘Makamba emapurisa ngaave padyo neveruzhinji’

Muchaneta Chimuka HURUMENDE ine hurongwa hwekuvaka makamba emapurisa kunzvimbo dzisina makamba aya kumativi mana enyika nechinangwa chekurwisa kuparwa kwemhosva dzakasiyana-siyana uye kuti veruzhinji vawane rubatsiro rwemapurisa padyo navo. Mashoko aya…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×