Mutyairi wekombi akadhakwa akandwa mujeri kwemakore maviri

Ray Bande

DARE reMutare Magistrates’ Court rakatongera murume ane makore 38 ekuberekwa kuti apedze makore maviri ari mujeri nemhosva yekutyaira kombi yakatakura vanhu akadhakwa, munyaya iyo yakaonekwa sekutyora zvakanyanya mitemo yekuchengetedzwa kwemigwagwa.

Shepherd Goza, wekuAloe, kuDangamvura, akamiswa pamberi pemutongi Muzvare Perseverance Makala, ndokupihwa chirango chekuti agare makore maviri ari mujeri.

Muchuchisi munyaya iyi aiva Muzvare Loice Kadenha.

Goza akatongwa nemhosva mbiri pasi pemutemo weRoad Traffic Act (Chapter 13:11).

Panyaya yekutanga, aipomerwa mhosva yekutyora Chikamu 6(1)(a) chemutemo uyu, apo musi wa5 Gunyana, nenguva dza12:30 masikati, panzvimbo inotakurirwa vanhu yeChikanga Rank, mumugwagwa weSecond Street kwaMutare, Goza akatyaira motokari yerudzi rweToyota Hiace zvisiri pamutemo, asina rezinesi rekutyaira rakakodzera uye rine kirasi chaiyo inodiwa.

Panyaya yechipiri, akapomerwa mhosva yekutyora Chikamu 55(2) chemutemo mumwe chete uyu nekutyaira akadhakwa nedoro kana kushandisa zvinodhaka kana kuti zvese zviri zviviri.

Muzvare Kadenha vakaudza dare kuti paakabuda panzvimbo yeChikanga Rank achipinda mumugwagwa waSecond Street, Goza akamiswa nemapurisa, uye zvakaonekwa kuti aityaira aine rezinesi rekirasi yeBE panzvimbo yeBE CE.

Dare rakanzwa kuti Goza ane rezinesi remuZimbabwe rinoshanda rekirasi yeBE, rine nhamba inoti AA00916976.

Dare rakanzwawo kuti mupurisa aiferefeta nyaya iyi akaona maitiro ake ekutyaira ndokumumisa.

Ainhuhwa doro uye zvaioneka pachena kuti akadhakwa.

Goza akaendeswa kuhofisi yemapurisa anoshandira mumugwagwa mamuMutare uko kwakaitwa ongororo yekutarisa kana aine doro mumuviri, uye zvakabuda pachena kuti aiva naro.

Pepa rine mhedzisiro yeongororo iyi rakabuditswa mudare seuchapupu.

Related Posts

Gororo rekumwaya munhu mhiripiri kumeso muchimbuzi rofondoka pasina mubhadharo

Muchaneta Chimuka GORORO rakapindira mumwe mudzimai muchimbuzi umo akanga ari mushishi kuzvibatsira kwava kumumwaya mhiripiri yakakuyiwa mumaziso ndokumutorera bhegi raive neUS$1 287 kwaMurewa rakapihwa chirango chekufondoka kwemaawa 245 pamhosva iyi.…

Makore matatu mujeri atema muvakidzani mumusoro nebhodhoro

Danisa Masuku MURUME wekurova muvakidzani wake musoro nebhodhoro redoro rakaputsika, zvikakonzera kuti arasikirwe nekugona kutaura zvakanaka zvachose, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu. Talent Moyo (31), wekuInyathi mudunhu reMatabeleland North, akamiswa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *