Mutyairi wekombi akandwa mujeri apinda robhoti dzvuku

Zvikomborero Parafini

MUMWE mutyairi wekombi wemuHarare akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi makumi matatu mushure mekubatwa nemhosva yekusamira parobhoti rakatsvuka mumugwagwa weBorrowdale.

Harmony Duri (25) akamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Magistrates’ Court, Tapiwa Kuhudzai, ndokubatwa nemhosva yekutyaira motokari zvisina hanya.

Duri haana kumira parobhoti dzvuku apo aive akatakura vanhu.

Dare rinoti nomusi wa20 Kukadzi nenguva dza9:30 mangwanani, Duri aityaira motokari yerudzi rweToyota Hiace mumugwagwa weBorrowdale akananga kumaodzanyemba apo akasvika parobhoti pedyo nekuBorrowdale Village nePomona Shops.

Pane kuti amire, akatyaira akananga neparobhoti dzvuku, achiisa upenyu hwevamwe vatyairi panjodzi.

Zvisinei, Luisa Patricia Townsend, uyo akamira sechapupu mudare uye aitevera kumashure kwake, akakwanisa kutora vhidhiyo rinotaridza zvakaitwa naDuri achibva amhan’ara kumapurisa izvo zvakaona achisungwa.

Dare rakapa mutongo wekuti maitiro ake aive kunze kwemutemo uye aine njodzi kune veruzhinji.

Akabva atongerwa kugara mujeri kwemwedzi makumi matatu.

Mwedzi mitanhatu yakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haafanire kupara mhosva yakadai mumakore matatu anotevera.

Izvi zvichaona Duri achipika jeri kwemwedzi makumi maviri yakazara.

Huwandu hwevatyairi vemakombi vari kuendeswa kujeri mumwedzi ichangopfuura huri kuwedzera nekuda kwekutyora mitemo yepamugwagwa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *