Mwanasikana (4) anoerekana apfumbatiswa tsvina yemunhu mumaoko

Kingstone Mapupu

MHURI inobva mumusha waSabhuku Mangisi 1 kuKatsvanzva kudunhu raMambo Chireya, kuGokwe inoti yatambura nedambudziko remwanasikana wavo uyo anonzi anoerekana apfumbatiswa tsvina yemunhu mumaoko uye imwe ichikandwa pamuviri wake.

Mwana uyu ari kuita Grade 4 kuGokwe uye anonzi asvitsa mwedzi mina akatarisana nemanenji aya.
VaAmon Chitumbura (56) vanova baba vemwana uyu vanoti havachaziva zvekuita nemashiripiti ari kuitika pamwana wavo.

“Mwana uyu akatanga kusangana nemanenji aya mwedzi mina yakadarika ari kuchikoro apo akanzi airwara nemusoro.

Vadzidzisi vakashevedza mukoma wacho akaenda kunomutora ndokuuya naye kumba. Dambudziko iri rakura, takatanga kuenda kumaporofita, kudzin’anga nekuzvipatara. Akazotanga kutora chikafu achiisa muchipfeko chake chemukati umo chinobva chadyiwa nezvisingaonekwi,” vanodaro VaChitumbura.

Vanoti vakafamba kwakasiyana kuchivanhu vakaudzwa kuti mwana uyu aiva akaiswa zvikwambo zvaimushandisa.

“Ini panguva yakatanga hurwere hwemwana uyu, ndaishandira kunyika yeSouth Africa uko ndakadzoka.

Mweya unosvika pamwana uyu unotaura zita raamai vangu vakafa kare uchiti ndivo vari kusvika.

Unotiwo bvisai mweya wezvikwambo wakaiswa pamwana uyu. Anongoerekana mumaoko ake mava netsvina yemunhu. Tsvina iyi inoiswawo mukanwa make, mumusoro kana parutivi penzvimbo dzaanenge agere,” vanodaro VaChitumbura.

Vanoti mwana uyu anochemera kudya kwakaita sechingwa asi kana akapihwa anobva aisa muchipfeko chake chemukati umo chikafu ichi chinobva chadyiwa nezvinhu zvisingaonekwi.

Tsvina inokandwa pamwana uyu inonzi inonhuhwa zvakadarikidza zvekuti panzvimbo pacho hapazogarika.

“Mwana uyu akambonogara kuchipatara cheChireya akazodarikidzwa kuchipatara cheMutora.

Machiremba vakatitaurira kuti aiva nechivanhu uye takakurudzirwa kuti tifambe kuchivanhu.

Takazoenda kwaMambo Chireya takapihwa n’anga iyo yakanzi itibatsire, yakagara masvondo maviri pamba pedu ikazotitorera mombe, US$300 nemagumbeze maviri semuripo,” vanodaro VaChitumbura.

Vanoti mwana wavo akangopihwa mishonga yekugeza chete asi hapana zvakasanduka.

VaChitumbura vanoti vari kuda kudzoserwa mombe yavo, mari nemagumbeze nen’anga iyi uye
vakasvitsa nyaya yacho kwaMambo Chireya. Vanoti kunze kwekudirwa tsvina, mwana uyu anodirwawo weti padivi paanenge akagara iyo isingaonekwe kuti inobva kupi.

Mudzimai wavo, Mai Maidei Chivata (53), vanoti vatambura nedambudziko rine mwana wavo.

“Chikafu chatinomupa chakaita sechingwa, sadza, nyama nechimwewo anoisa muchipfeko chake chemukati umo chinobva chadyiwa nezvinhu zvatisingaone. Kwatinofamba zvinonzi zvikwambo zviri kudya chikafu ichi. Hatizive kuti sei achiisa kudya uku muzvipfeko zvake zvakavandika,” vanodaro Mai Chivata. Mwana ari kutambudzwa nemashiripiti aya ndiye gotwe pavana vapfumbamwe.

Kwayedza payakasangana nemhuri iyi muHarare svondo rapera, mwanasikana uyu akatadza kutaura kana shoko rimwechete.

Vemhuri iyi vari kukumbira kubatsirwa, kuchivanhu zvose nekumachiremba akadzidzira basa, kuti mwana wavo agone kurapika.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×