Danisa Masuku
IMWE n’anga nemumwe wayo, avo vose vanoshanda kuTrophy International Consultants, vakazvuzvurudzirwa kudare rekuBulawayo vachipomerwa mhosva yekuba makwande ehaka anosvika 32 emushandirwi wavo.
Phatheng Dube (64) naThokozile Dube, avo vanobva kuNketa kuBulawayo, vakamiswa pamberi pemutongi Muzvare Patience Ururu avo vanova regional magistrate.
Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu cheSection 45(1)(b) pamwe chete necheSection 128 chemutemo weParks and Wildlife Act, Chapter 120:14 — Possession of Specially Protected Animal Trophy (Pangolin Skin).
Havana kubvuma mhosva.
Vari kumirirwa negweta ravo, VaDixon Abraham vekambni yeTanaka Law Chambers.
Vachizvidzivirira, kuburikidza negweta ravo, VaAbraham vakaudza dare kuti: “Vari kupomerwa mhosva vanoramba kuti vakawanikwa vaine makwande ehaka zvisiri pamutemo kana zvimwe zvine chekuita nemhuka dzakachengetedzwa zvakanyanya.
“Thokozile in’anga, musi watiri kutaura uyu akaridzirwa nhare nemunhu waakazoziva kuti mupurisa achiti akanga asinganzwe zvakanaka uye aida makwande ehaka. Thokozile akamuudza kuti haana makwande ehaka uye aingokwanisa kumupa mushonga chete.”
VaAbraham vanoenderera mberi vachiti Thokozile akazoziva kuti munhu akamufonera kakawanda aive mupurisa asi ainyepera kuzviita munhuwo zvake achiti aida kutenga makwande ehaka.
Vanoti vaviri ava vakasungwa mushure mekunge Thokozile aona varume vaviri vaimutevera avo akafungira kuti vaigona kuve makororo aida kumurwisa.
“Nekutyira hupenyu hwake, Thokozile akatozofonera Phatheng uyo akazomhanyira panzvimbo iyi izvo zvakazoita kuti vasungwe,” vanodaro VaAbraham.
Kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi munguva pfupi iri kutevera.
Muchuchisi, Muzvare Nomthandazo Mafu, vakaudza dare kuti nomusi wa15 Kubvumbi 2026, nenguva dza8 mangwanani, Phatheng anonzi akaba makwande 32 ehaka kubasa kwavo kuTrophy International Consultants kuBelmont, Bulawayo. Akabva apa Thokozile kuti atengese.
“Nezuva rimwe chetero, matikitivha eCID Minerals Flora and Fauna Unit, kuBulawayo, akawana runyerekupe rwekuti Thokozile ane makwande ehaka aaitengesa.
“Nenguva dza10:30am pazuva rimwe chetero, matikitivha akaenda kunzvimbo yavaive vabvumirana.
“Mutikitivha aiita semutengi akaramba achitaurirana naThokozile, mumwe mupurisa achiona ari kure nemamita mashoma.
“Matikitivha akaona Thokozile akaisa purasitiki bhegi reblue muhandbag achifamba achienda kumutikitivha uya aiita semutengi, vakabva vaenda kwaari ndokuzvizivisa kuti vaive mapurisa nekubudisa zvitupa zvavo zvechipurisa ndokukumbira kuti vamuseche, akabvuma.
“Thokozile akanzi aburitse rezinesi kana kuti bvumo inomutendera kuti ange aine makwande ehaka, asi akatadza kuita izvi zvakazoita kuti vasungwe.”




