‘Ndakabviswa munyama nekugezeswa nemvura yezvitunha ndiri musvo’

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 27 okuberekwa anobva kuZengeza 2, kuChitungwiza, anoti akatarisana nedambudziko guru mukurarama kwake zvichitevera kugezeswa kwaanoti akaitwa nemvura yezvitunha ari musvo neimwe n’anga iyo yaimubatsira kubvisa munyama.
Mazvita Chinambata anoti mukukura kwake aive akatarisana nematambudziko anosanganisira rushambwa, izvo zvakazoita kuti amboende kuSouth Africa, uko akazosangana neimwe n’anga yaibva kuMalawi, iyo yakamupa zano rokuti imugezese nemvura inoshambidzwa zvitunha.

“Ndaenda kuSA, ndakanosangana nemumwe mukomana, uyo ndakataurira matambudziko angu, ndokuzondipawo nhamba dzeimwe n’anga yekuMalawi, iyo yakazouya ikandigezesa nemvura yakashambidzwa zvitunha,” anodaro Chinambata.
Anoti akatanga anzi atsvage mutsvairo, waaakanzi arambe akabata mumaoko paaigezeswa nemvura yezvitunha iyi.

“N’anga iyi yakauya iine mvura yainzi yakashambidzwa zvitunha. Handizivi kuti yakaiwanira kuSA ikoko here kana kuti yakabva nayo kuMalawi. Ndakatsvagiswa mutsvairo mutsva, ndokuenda kunogezeswa nen’anga iyi ndakabata mutsvairo uyu ndisina kupfeka.
Takawirirana kuti ndaizobhadhara n’anga iyi yadzoka kubva kuMalawi. Haina kuzombobvira yadzoka kuSA, izvo zvakaita kuti ndisakwanise kuibhadhara kusvika nanhasi,” anodaro Chinambata.

Anoti n’anga iyi payakamushambidza nemvura yezvitunha, yakabva yadzokera kuMalawi, ndokusiya yavimbisa kuti yaizodzoka kuzotora mari yayo yemubhadharo.
Mudzimai uyu anoti musi waakagezeswa uyu, akataurirwa nen’anga iyi kuti asazovhunduke kunyangwe akanzwa ruzha mumba maanenge akarara usiku. Akange aziviswa kuti pane zvaizoitika nekushambidzwa kwakange aitwa.
“Musi uyu ndakazonzwa ruzha mumba pakati pousiku, chinhu chichipinda mumba, ndokuzotanga kunzwa kutemerwa nyora muviri wose, kusanganisira kusikarudzi, nemunhu wandaisaona. Ipapo ndakabva ndaitwa bonde neni nemunhu wandaisaona kusvikira kunze kwaedza,” anodaro Chinambata.

“Kubva ipapo ndakatanga kurota ndichinanzvwa nenyoka muviri wose nekuona masaramusi akasiyana-siyana.
“Mazuva mashoma ndagezeswa nemvura yezvitunha iyi, ndakaona gonye hombe rakauya, ndokupinda munhengo yangu yakavandika, kuita sendinorara nemunhurume, ndikazopindwa zvakare negonzo hombe kuzasi kwangu, rikaenda zvachose zvokurega kubuda,” anodaro Chinambata.

Anoti paakapindwa negonzo negonye musikarudzi, akabva aparadzika umhandara, pasina murume waakange arara naye.
“Mudumbu mangu makatanga kugara muchirira semunotamba mwana, ini ndisina pamuviri. Mazamu angu ndinonzwa achiyamwiwa nenyoka inondirara zvakare,” anodaro Chinambata.

Mudzimai uyu anoti aneta nekufamba achitsvaga kubatsirwa, kusanganisira kuenda kun’anga nemaporofita, dambudziko iri richiramba kupera.

“Nokuda kwezvakaitika izvi, ndinonzi ndakarombeswa sezvo ndave nemunyama wokuti hapana anondida. Kwandinoenda vanoti havazvikwanisi<bha>;</bha> ndave munhu ave kungogara kumasowe sezvo ndave kunzi ndine zvikwambo,” anodaro Chinambata.
“Hama dzangu chaidzo, kusanganisira vabereki, vanonditi ndiri tsvina.

“Imwe nguva, nekutsvaga kubatsirwa, ndakambopihwa tambo yekugara ndakasunga muchiuno. Ndakamboendawo kune imwe n’anga, ikandipa mushonga wandakanzi ndinorasa ndakapira gotsi usiku. Ndatambura, nokudaro ndave kutofunga kuzviuraya,” anodaro Chinambata.
Pastor Hazvinei Muchefa, vemuHarare, vanoti mvura yezvitunha inoshandiswa nevaroyi mubasa ravo, kwete kuti igezeswe vanhu vapenyu.

“Amai ava vakashandisirwa uroyi hwepamusoro<bha>;</bha> vanoda kubatsirwa nenguva, uye kuna Mwari hapana chinoramba,” vanodaro Pastor Muchefa.
Gogo Mamoyo, vekuChitungwiza, vanoti mudzimai uyu akaturikwa zvikwambo nezvidhoma paari, nokudaro anoda kubatsirwa nekukasika.
“Anoda kubatsirwa nenguva nokuti paari anogona kunge atove mukuru wevaroyi, izvo anenge asingazivi. Tinokurudzira kuti vanhu vabatsirwe nevanhu vavanoziva nokuti kune vamwe vari kutsvaga kwekurasira zvinhu zvavo zvakaipa,” vanodaro Gogo Mamoyo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×