‘Ndatambura nembatya dzandakapihwa dzabva kun’anga’. . . ndikamisa musikana anotiza seaona shumba

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 29 okuberekwa — Elisha Sukumidzai — uyo anogara kuEpworth uye kumusha achibva kwaSabhuku Beta kuBikita, anoti upenyu hwake huzere nematambudziko ayo akatanga ari mudiki mushure mekugashidzwa mbatya dzehama yake yairwara idzo dzinonzi dzakatanga dzamboendeswa kun’anga.

Sukumidzai (29), uyo ane vabereki vose vapenyu, anoti vakaberekwa vari vana (4) mumhuri mavo.

Anoti mumhuri mavo vamwe babamudiki vake vairwara nepfungwa zvakazopa kuti vemhuri yose vasimuke kuenda kune imwe n’anga kuChipinge uko vakanzi vauye nembatya dzemurwere uyu pamwe chete naiye.

Sukumidzai akasvimha misodzi nekuridza mhere pamberi peKwayedza apo aitsanangura matambudziko ake.

“Veukama hwepadyo mumhuri yedu vakatorana nemurwere uyu ndokunzi vaende nembatya dzavo kun’anga iyi izvo vakaita. Mbatya idzi dzinonzi dzakanoshandiswa kurapa murwere uyu achibva abva ikoko apora. Vanhu vakadzoka nembatya idzi kumusha idzo dzakasvikopihwa inini kuti ndizopfeka,” anodaro Sukumidzai.

Anoti sezvo aiva mudiki, haana kukwanisa kuramba mbatya idzi nekuzivawo kuti zvaireva kuti kudii.

“Babamudiki ava sezvo vakadzoka kun’anga uku vasisarware, vakasvika pamba pedu paina amai chete neni ndokusvika pandaiva vakanditambidza mbatya dzavo idzi. Ipapo vakataura kuti vakanga vaneta nehurwere uhwu vakati vaidawo kuti zviende pane mumwe. Ini semwana handina kugona kupikisa kunyangwe amai vaivapo vakaramba vakanyarara vachitya babamudiki ava,” anodaro Sukumidzai.

Anoti mbatya idzi dzakabva dzasiiwa akadzibata mumaoko babamudiki ava vachibva vaenda.

“Amai vakazosara vakatora mbatya idzi ndokubva taenda nadzo kune mumwe muporofita uko zvakazobuda pachena kuti mweya wekurwara uyu waiva waturikwa pandiri. Muporofita uyu akabva apisa mbatya dzose idzi isu ndokupihwa miteuro yekunoshandisa kumba,” anodaro Sukumidzai.

Anoti mugore ra2014, paakapihwa mbatya idzi akabva atanga dambudziko rekuona musikana anouya kwaari kuhope achiita bonde naye kunyangwe masikati machena.

“Svondo iroro randakapihwa hembe idzi dzichizonopiswa, ndakabva ndatanga kurota musikana akanaka zvikuru achiuya kwandiri ndichiita bonde naye, uyewo ndinorota huku kana imbwa dzichiita bonde neni,” anodaro Sukumidzai.

Anoti kunyange masikati machena anoita madzengerere obva aona huku sheshe nejongwe zvichidzingirirana zvosvikoita bonde pamberi pake kana kuona imbwa dzosvikotangawo kuita bonde pamberi pake.

“Dambudziko iri rakaramba richienderera mberi kusvikira ndakarwara zvekuzvimba mabhora rimwe rekuruboshwe rikabviswa nemachiremba kuchipatara cheSilveira Mission hospital. Ndakazosvikawo pakuroora ndikaita mwana mumwe chete nemudzimai,” anodaro Sukumidzai.

Anoti mudzimai wake akazotangawo dambudziko rekuvingwa nevarume vasingaonekwi pamubhedha wavo achirota vachiita bonde naye.

“Mudzimai wangu akabva atangawo kuvingwa nevarume mumba vachiita bonde naye zvehusiku hwese, nekuda kwedambudziko iri mudzimai akabva atiza akadzokera kumba kwavo,” anodaro Sukumidzai.

Murume uyu anoti akaroora mugore ra2023 ndokuzotizwa nemudzimai kumavambo egore rino ra2026.

“Dambudziko guru randiinaro handina musikana wandinopfimba akandida, mudzimai wandaiva ndaroora ndakaitwa zvekupfimbirwa. Ndikamisa musikana anotiza sekunge ari kuona shumba kana chimwe chikara, kwandinofamba ndinonzi ndakaiswa bvuri,” anodaro Sukumidzai.

Anotiwo kumabasa kwaanoshanda anoita mari asi haaone chainoshanda kunyangwe asinganwe doro.

“Hama dzangu nevabereki vanoziva dambudziko rangu asi hapana anosimudza musoro, ndaneta ndinoda kubatsirwa kune vanogona,” anodaro Sukumidzai.

Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Shumba, vemuHarare vanoti Sukumidzai akaiswa inonzi mbereka pachivanhu kana kuti murume wechikwambo.

“Mudzimai waanoona achiuya kwaari chikwambo chakaiswa paari kana kuti akaitwa murume wengozi nekudaro anoda kubatsirwa,” vanodaro Gogo Shumba.

Related Posts

4th meeting of National Coordinators of the Group of Friends in Defence of the UN Charter opens

Farirai Machivenyika Senior Reporter THE Ministry of Foreign Affairs and International Trade is hosting the 4th Meeting of the National Coordinators of the Group of Friends in Defence of the…

ZSE gets nod to launch small business exchange

Nqobile Bhebhe Zimpapers Business Hub ZIMBABWE’S capital markets are set for a major transformation after the Zimbabwe Stock Exchange (ZSE) received regulatory approval to set up the Zimbabwe Entrepreneurship Exchange…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×