‘Ndinorwadziwa nekuchengeta mwana wandakamitiswa nababa’ 

Muchaneta Chimuka

MUSIKANA ane makore 18 okuberekwa, uyo watichapa zita rekuti Talent senzira yekumuchengetedza sezvo achiti akabatwa chibharo ndokumitiswa nababa vake vekumutumbura, anoti ari kurwadziwa zvakanyanya nekuchengeta mwana waakazobara mushure mekubatwa chibharo.

Talent anoti akabatwa chibharo nababa vake aine makore 15 okuberekwa mugore ra2021.

Baba vake vakatombosungwa uye ndokupihwa bhero nechikonzero chekuti pagozoitwa maDNA anotaridza kuti mwana waakabara ndewababa vake here.

Parizvino kwapera makore mashanu azere, nyaya yemwanasikana uyu isati yadzokera kudare kubva mugore ra2021 pakasungwa baba vake.

Nekune rumwe rutivi Talent, uyo akasiira chikoro panzira paaita Form 3 mushure mekubatwa chibharo pamwe nekumitiswa nababa vake, mwana waakabara ave nemakore maviri nemwedzi inoraudzira.

“Ndiri kunetseka zvikuru muupenyu hwangu nekuti nyaya yechibharo iyi takamboedza kuifambira kakawanda asi nanhasi haisati yadzokera mudare. Baba vangu ndivo vakandibata chibharo apo amai vangu vainge vaenda kunotora magwaro ekuzvarwa kwemunin’ina wangu uyo vainge vachangobva kubara kwaMakoni, kuChitungwiza. Saka pazuva iri havana kudzoka vakararira kumba kwehama sezvo vainge vasina kubatsirwa nemagwaro emwana panova pakatora baba vangu mukana uyu vachibva vandibata chibharo mushure mekundibvunza kuti ndainge ndichiri mhandara here?” anodaro.

Talent anoti chishuviro chake chaive chekuti nhumbu iyi ibviswe asi nenhau yekuti nyaya yake yakanonoka kutongwa kumatare edzimhosva uye iyewo akanonoka kutaura nezvechibharo ichi izvi hazvina kuzoitika.

“Nhasi uno ndiri kunetseka kuchengeta mwana wandakapihwa nababa vangu nenzira yechibharo, zvinorwadza kuramba ndakatarisana nemwana uyu asi ndinotenda amai vangu vari kunditsigira. Mwana ava nemakore maviri ekuzvarwa asi haana magwaro ekuzvarwa nekuti nyaya yangu haisati yapera kudare kuti pave neumbowo hunodiwa kuti mwana wababa vangu here. Takamboenda kumaDNA test gore rapera paseri kuSupport Unit, vakauya baba nemapurisa ekuDema tikatorwa ropa asi nanhasi hatisati taudzwa zvakabuda muongororo zvaka zvava kuramba zvichindidya moyo,” anodaro.

“Handina mufaro muupenyu hwangu, chero pese pandaimuyamwisa mwana uyu ndaibva ndatondera kubatwa chibharo kwandakaitwa nababa vangu. Ndiri kuchemera kuti dai nyaya iyi yapindawo mudare yapera yasunungurawo ini uye amai vangu kuti vazive chokwadi. Isu takatodzingwa pamusha tese naamai vangu nevamwe vanin’ina vangu zuva rabudiswa baba muchitokosi kuchinzi panoda kuzoitwa maDNA test kuti nyaya ifambire mberi.”

Amai vake (zita tinochengetedza) vanotsinhira nyaya iyi.

“Ndinorwadziwa kuti ndakasiya musha wangu mushure mekunge mapurisa akati tisuduruke kuitira kuti musungwa ange achidzoka kumba vachiti zvaisakodzera kuti varambe vakamutenhera muchitokosi. Nhumbu yemwana wangu ndakaiona paaichinja hembe ndipo pandakamubvunza achibva adura kuti ainge akabatwa chibharo nababa vake kamwe chete achibva angobata pamuviri pakare. Zvakandirwadza uye shuviro yangu yaive yekuti nyaya iyi itongwe ipere,” vanodaro.

Zimbabwe parizvino iri mushishi yekuvandudza mutemo wekubviswa kwepamuviri weTermination of Pregnancy Act wa1977 kuti unge uchifambirana neraramo yanhasi uye kuti vanhu vanenge vachida kubvisa pamuviri vabatsirwe muzvipatara pasina zvibingaidzo.

Pasi pemutemo uyu, vanhukadzi vanokwanisa kubviswa pamuviri kana pachinge pari pechibharo, makunakuna kana kuti kana pachiisa njodzi kuupenyu hwaamai kana mwana ari mudumbu.

Zvakadai, kune masangano akasiyana akadai seCommunity Working Group on Health (CWGH), Women’s Action Group (WAG), Women’s Coalition of Zimbabwe, pakati pemamwe, ayo ari kushanda neHurumende mukuona kuti mutemo wekubviswa kwepamuviri wavandudzwa senzira dzekuchengetedza upenyu.

Izvi zvinotevera kuwanda kwenyaya dzevanhu vari kubvisa pamuviri nerweseri, vamwe vachigumisira vafa kana kurwara zvakanyanya.

Mai Vimbai Nyika vanova programme officer kuWAG vanoti vanasikana vari panyatwa huru yekubatwa chibharo, zvikuru nevanhu vanenge vari kuvachengetedza vakadai seveukama.

“Nyaya dzine chekuita nechibharo dzinofanira kutongwa mukati memaawa 48 kuitira kuti umbowo hunenge huchiripo uye mumhan’ari achiri kutondera zvaitika kwaari. Zvinobatsira zvakare kuti pamuviri pange pachibviswa nenguva yakatarwa yememasvondo ari pasi pe22,” vanodaro.

Muzvare Ekenia Chifamba vanova director uye muvambi wesangano reShamwari Yemwanasikana vanoti zvisinei nekuti kubviswa kwepamuviri zvisiri pamutemo imhosva huru muZimbabwe, madzimai nevanasikana vane chitsama vari kuzviita nerweseri zvichikonzera matambudziko ekurasikirwa neupenyu.

VaItai Rusike vanova executive director wesangano reCommunity Working Group on Health (CWGH) vanoti ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubvisa pamuviri dziri kuwanda zvinova zvinodzorera kumashure budiriro yese yakaitwa neHurumende mukuedza kusimudzira nyaya dzeutano hweveruzhinji munyika.

“Munyika dziri muSouthern Africa, nhumbu ina pakati pegumi dziri kuuya nenzira isina kurongeka uye chikamu che25 percent chenhumbu idzodzo dziri kuguma nekubviswa nerweseri,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×