Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve

NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu.

Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks).

Nhengo dzemuviri wemurume uyu dzakazoonekwa nemusi wa23 Chivabvu mushure mekunge veZimParks vapfura ndokuvhiya garwe iri.

Mushure mekunge murume uyu arwiswa negarwe iri, vanhu vemunharaunda iyi vakabatana nemapurisa uye veZimParks nevamwe kutsvaga mutumbi wake asi havana kuuwana kusvikira pakazobatwa garwe iri.

Mukushi wemashoko kuZimParks, Luckmore Safuli, anotsinhira nyaya iyi.

“Garwe iri rakapfurwa uye ndokuvhiiwa nemusi wa23 Chivabvu. Paraivhiiwa, nhengo dzemuviri dzinove dzemurume uyu dzakabva dzawanikwa dziri mudumbu maro,” vanodaro VaSafuli.

Vanoyambira veruzhinji kuti vangwarire kana vachinge vari panzvimbo dzine mvura dzinozivikanwa kuti dzine makarwe.

“Veruzhinji vanoyambirwa kuti vasatuhwinhe, kuraura hove kana kuchera mvura panzvimbo dzisina kuchengetedzeka, kunyanya mangwanani-ngwanani nemanheru apo makarwe anenge achinyanya kufamba,” vanodaro.

Zvakadai, ZimParks yakatumira mashoko enyaradzo kumhuri, shamwari nevamwe vaiwadzana nemurume akurayiwa negarwe uyu.

Inoti yakazvipira kusimbaradza kuchengetedzwa kweveruzhinji pamwechete nemhuka uye nekuona kuti pane hugaro hwakanaka.

Mpopoma Dam ragara richizivikanwa kuti rine makarwe akawanda uye vagari vemunzvimbo iyi vanokurudzirwa kuti vangwarire zvakanyanya kana vachinge vari padyo naro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×