Munyori weKwayedza
Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro.
Mumashoko enyaradzo, President Mnangagwa vakatsanangura zvakaitika sekurasikirwa kukuru kunyika.
“Kufa kamwe kamwe uye zvisingatarisirwi kwaVaChivayo nemudzimai wavo, vashandi vaviri vemundege, nemurindi wavo mutsaona yechikopokopo nezuro masikati kwasiya nyika yedu, mhuri yangu neni pachangu tichishaya neremuromo uye tiri mukuvhunduka kukuru nekusuwa,” vakadaro.
Mutungamiri wenyika vakatsanangura mhuri yekwaChivayo seine mwoyo wekubatsira vanhu uye vakati mabasa ayo akashandura upenyu hwevanhu vakawanda munyika yose.
Vakati Chivayo akatsigira vanhu vanobva mumapazi akasiyana-siyana, kusanganisira zvematongerwo enyika, zvechitendero, mabasa emuHurumende, tsika nemagariro, zvemitambo uye mamwe mabasa eunyanzvi.
President Mnangagwa vakati Chivayo aive nemuono mukuru wemhuri yake, Zimbabwe, dunhu reSouthern Africa nekondinendi yeAfrica, uye mabasa ake akasimudzira chirongwa chenyika chekutaurirana nekugadzirisa ukama nedzimwe nyika.
“Aive muenzaniso wemweya weSecond Republic wekusimudzira mabhizimusi emuno, akasimbiswa neruoko rwemunhu, nhaka inoyemurika iyo ichakurudzira chizvarwa,” vakadaro.
Mukuru wenyika vakataura kuti Chivayo akange agoverana navo zvirongwa zvake zvenyika nomusi weChipiri, zuva rimwe chete tsaona isati yaitika. Vakati akanyanyotaura nezvehurongwa hwakanangana nenharaunda dzinoshaya pamwe chete nemagamba akarwa hondo yerusununguko.
Vakati zvakare muzvinabhizimusi uyu nemhuri yake vakanga vachidzoka kubva kuGandami, kuChikomba, kumusha, kwavakanga vachivaka zvivakwa zvemazuva ano zvemhuri nezvenharaunda, zvichipindirana nechirongwa cheHurumende chekusimudzira matunhu ekumusha.
Mutungamiri wenyika vakati muono waChivayo unowirirana nezvinangwa zvenyika zvekusimudzira maruwa kuburikidza nekudyara mari, kuvambwa kwemaindasitiri, pamwe neshanduko ikoko.
“Ndakamirira nyika yedu, mhuri yangu uye neni pachangu, ndinoda kusvitsa mashoko angu akadzika ekusuwa kukuru kumhuri yekwaChivayo, pamwe chete nemhuri dzose dzakarasikirwa nehama mutsaona inorwadza yazuro,” vakadaro Mutungamiri Mnangagwa.
Vakati nyika inomira nemhuri dzafirwa panguva yakavaomera iyi uye vane chivimbo chokuti vachawana kunyaradzwa kubva kumabasa akaitwa nevashakabvu.
“Mweya yavo inokosha ngaizorore murugare rusingaperi,” vaakadaro.




