Yeukai Karengeza
SABHUKU Ernest Nhamburo (51) wekuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central akabhadhariswa faindi yeUS$200 nedare mushure mekuwanikwa aine dehenya remusoro wegudo nematehwe maviri embada zvose zvinokosha US$40 500.
Nhamburo akamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Magistrates’ Court, Muzvare Lisa Mutendereki, apo akabvuma mhosva yekutyora mutemo weWildlife and Parks Act wekuwanikwa aine matehwe embada nedehenya regudo zvisiri pamutemo.
Akabhadhariswa faindi yeUS$200 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi mitanhatu.
Matehwe ambada aya nedehenya regudo zvakatorwa neHurumende zvikaendeswa kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks).
Mukutongwa kwenyaya iyi, Hurumende yaive yakamirirwa naDetective Sergeant Murahwa veCID Minerals, Flora and Fauna Unit uye muchuchisi ari Muzvare Polite Chikiwa.
Dare rakanzwa kuti nomusi wa14 Kubvumbi gore rino, matikitivha eCID Minerals, Flora and Fauna Unit vakanyeverwa kuti pane murume aive pakati peguta reHarare ane matehwe embada uye aitsvaga vanotenga zvinhu izvi.
Vatambira mashoko aya, matikitivha akananga kuAfrica Unity Square, uko vakanoongorora.
Mushure mechinguva chidiki vakabva vaona Nhamburo uyo aienderana netsanangudzo yainge yapihwa nemunyeveri.
Matikitivha akasvika paari, akazvizivisa ndokukumbira kusecha bhegi (satchel) rake, izvo Nhamburo akabvuma kuti zviitwe. Pakusechwa, matikitivha akawana dehenya regudo nematehwe maviri embada zvakaputirwa mupurasitiki raionekera zviri mukati mebhegi dema.
Nhamburo akatadza kuburitsa gwaro rinomupa mvumo yekuti ave nematehwe aya pamwechete nedehenya izvo zvakazoita kuti asungwe pakarepo.
Akaendwa naye kumahofisi eCID uko mumwe mushandi weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaEveristo Simayo, vakaongorora zvinhu zvakatorwa izvi ndokutsinhira kuti chokwadi zvakanga zviri zvemhuka dzesango.
Dehenya regudo raikosha US$500, ukuwo matehwe embada achikosha US$40 000.



