Sangano reMunicipal Workers Union of Zimbabwe rochema vashandi vekanzuru vakafira pabasa

Abel Ndooka

SANGANO reMunicipal Workers Union of Zimbabwe (MWUZ) riri kuchema vashandi vekanzuru yeHarare vaviri vakafa vari pabasa svondo radarika.

Vashandi vanoti Peter Mupinga naStephen Mangombe vakafa vari pabasa mushure mokunge vakachidzwa apo vaive kumuzinda wemasuweji kuGlen View, muHarare.

Vachitaura muchinyorwa, sachigaro weMWUZ, VaGeorge Matongera, vakati mafiro akaita varume vaviri ava akarwadza zvikuru.

“Isu sesangano reMunicipal Workers Union of Zimbabwe, tiri kubatana nemhuri dzakarasikirwa nehama dzavo, idzo dzakafa svondo radarika, pamwe chete nekanzuru yeHarare.

“Chiitiko ichi chakarwadza zvikuru, saka isu tiri kuchema nemhuri dzavo pamwe chete nekanzuru yeHarare nokuti nyaya yacho yakarwadza,” vakadaro.

VaMatongera vakakurudzira kanzuru yeHarare kuti igadzirise nzvimbo dzinosevenzera vashandi vayo uye kuona kuti vabhadharwa nenguva sezvo pari kufamba mashoko okuti vakashaika ava vakafa vaine imwe mwedzi yavainge vasati vabhadharwa.

“Tichitarisa zvakaitika apa, tinokurudzira kuti kanzuru ibhadhare vashandi vayo nenguva uye ivandudze mashandiro evashandi vayo, vagoita mabasa avo munzvimbo dzakasununguka,” vakadaro VaMatongera.

Zvakadaro, mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanley Gama, vachitaura mune rimwe remapepanhu edu, vakati: “Tiri pakati pekuita tsvakurudzo kuti tizive kuti zvakanyatsofamba sei, asi, sezvamunoziva, panoitika njodzi kunge iyi, panoita kupokana nekudhumana misoro, saka tichaburitsa chinyorwa chedu kana tsvakurudzo yapedza kuitwa,” vakadaro VaGama.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *