Tezvara vashinha nemuroora, ndokuuraya mwanakomana wavo vabatikidzwa

Latwell Nyangu

MUNYAYA inoshamisa zvikuru iyo yakaitika kuKadoma, murume ane makore 78 okuberekwa anonzi akaponda mwanakomana wake mushure nekunge amubatikidza achishinha nemudzimai wake pamubhedha pamusha pavo.

Benjamin Harry ari kupomerwa  mhosva yekuponda mwanakomana wake, Kudakwashe Harry (30) nesimbi  panguva yekunetsana kwaakaita naye.

Izvi zvinonzi zvakaitika nomusi wa6 Ndira mushure mekunge Kudakwashe abatikidza baba vake vachishinha nemudzimai wake.

Zvichitevera chiitiko chinosuwisa ichi, Benjamin akasungwa pamwe chete nevamwe vanosanganisira muroora wake Evelyn Mashava (22), Mike Hwata (36), William Grasham (34), Perfect  Vembo (18), Tongai Mavhurume (18) nemumwe mukomana ane makore gumi nematanhatu okuberekwa.

Vose vari kupomerwa mhosva yekuponda.

Sezvineiwo, Mavhurume nemukomana ane makore 16 uyu,  ihama dzaMashava.

Zvichakadaro, pane nyaya dzakasiyana dzakazobuda mushure mechiitiko ichi.

Nyaya yekutanga yaive yekuti Kudakwashe akasvika kumba akawana baba vake vachitandara nemukadzi wake, Mashava

Pakazoita bongozozo Benjamin asati arova mwanakomana wake nesimbi, izvo zvakaita kuti afe ipapo.

Mushure mekupara mhosva iyi, zvinonzi Benjamin akatsvaga rubatsiro kuvakoma vemuroora wake kuti vasimudze mutumbi waKudakwashe ndokuuturika mumuti kuitira kuti aite sekunge afa nekuzviuraya.

Vakabatsira mukutakura mutumbi uyu vachiusungirira pamuti, vanonzi vainge vambiswa kuti vaizopihwa mari mushure mekunge Benjamin atengesa mombe yake.

Zvinonzi vakaturika mutumbi uyu pabazi remuti kuti vanhu  vaone sekuti kudakwashe akanga azviuraya.

Imwewo nyaya yakataurwa ndeyekuti Vembo naGrasham, avo vari kupomerwawo mhosva, vaimbodanana naMashava zvekare uye pazuva iri vakanetsana nemufi, izvo zvakazokonzera kufa kwaKudakwashe.

Zvinonziwo Benjamin akaenda kune vavakidzani kuti abatsirwe pakuturika chitunha mumuti achiedza kuvanzurudza humhondi uhu.

Ongororo yakaitwa nanachiremba mushure mekufa inoratidza kuti Kudakwashe akanga akakuvara zvakanyanya mumusoro zvichitevera kurohwa kwaakaitwa nesimbi.

Mashoko aMashava anoratidza zvakare kuti madzikoma ake akanga  abatanidzirwa mubongozozo iri sezvo vakanga vari mushishi  kuedza kumudzivirira pakushungurudzwa uko anonzi aiitwa nemurume wake.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *