KWAYEDZA

Vakawana guva rehama raiswa dombo nevasingazivikanwi

Kingstone Mapupu

MHURI inobva kwaZamuchiya, kuChipinge, yakashamiswa zvikuru uye kukahadzika apo vainge vaungana kuGranville Cemetery, kunonyanya kuzivikanwa nezita rokuti Kumbudzi, vachida kuisa dombo paguva rehama yavo nguva pfupi yadarika, ndokuwana pakatoiswa rimwe, rine zita remumwewo munhu.

Mhuri yakatarisana nedambudziko iri ndeyekwaMurimbirimbi kana kuti Dhliwayo. Vane hama yavo yechidzimai yakashaika mugore ra2000, yavakaviga kuchikamu B cheKumbudzi, kwavakazowana paguva racho paiswa dombo.

Mutauriri wemhuri iyi, Pamella Murimbirimbi (40), uyo anogara kuHighfield, muguta reHarare, anoti vakashamiswa kuwana paguva rehama yavo pakatoiswa dombo kare rine zita remunhukadzi wavasingazivi.

 

. . . Zvizere maererano nenyaya iyi zviri kutevera