Muchaneta Chimuka
VANA vaviri vekuGweru vanonzi vakapisirwa mumba nemoto wakabatidzwa nevamwe vanhu vatatu mushure mekunge vanetsana nevabereki vavo pamusoro panyaya yekuuraiwa kwehuku.
Mapurisa anotsinhira nyaya iyi achiti yakaitika nguva pfupi yadarika paMahalape Compound, Watershed Farm mumugwagwa Gwenhoro kuGweru.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Everjoy Mangena (13) naNatasha Kanyama (5) vainge vakarara muimba yehuswa apowo vabereki vavo vakarara mubhedhuru yavo yehuswa zvekare.
“Kunze kwava kunoedza, vabereki vevana ava vanoti VaMunyaradzi Chizhanga nemudzimai wavo vakamuka kubva kutsi kwehope mushure mekunzwa vana vachichema vachida kubatsirwa. Vaviri ava vakamuka vakaenda panze vachibva vaona kuti imba yainge irere vana vavo yaive yakaputirwa nemarimi emoto. Vachibatsirwa nevavakidzani, vakaedza kupwanya musuwo uye kushandisa mvura kuti vadzimure moto uyu asi zvakakona n’anga murapwa achida,” vanodaro.
Insp Mahoko vanoti mapurisa eZRP Gweru Rural vakazoenda kunoita ongororo panzvimbo iyi ndokuona kuti vana ava vainge vatsva zvekusaonekwa.
Mitumbi yavo yakazotakurwa kuendeswa kumochari yeGweru Provincial Hospital kunoongororwa nanachiremba.
“Nomusi wa15 Gunyana, mapurisa akagamuchira mashoko ekuti vanhu vanofungirwa kuti ndivo vakapara mhosva iyi vainge vatiza vakaenda kuSherwood padyo neKwekwe. Saka ongororo yakaitwa ikaona vatatu ava vanoti: Chiedza Siziba, James Mativenga naAbel vachisungwa. Zvinonzi vasungwa vatatu ava vakanga vaine kusanzwanana nevabereki vevana ava nenhau yekuurayiwa kwehuku zvakaita kuti vavapisire mumba nokudaro vachamiswa mudare nemhosva yehumhondi,” vanodaro Insp Mahoko.
Hazvina kubuda pachena kuti akauraya huku dzemumwe ndiyani.
Insp Mahoko vanotenda zvikuru veruzhinji nekubatsira mapurisa neumbowo hwakaita kuti vatatu ava vasungwe.



