Vanhu 2 vatsva zvekutadza kuzivikanwa mutsaona

Thupeyo Muleya

VANHU vaviri vakatsva zvekutadza kuzivikanwa kuti ndivanani apo vamwe vaviri zvakare vakatsva zvakaipisisa mushure mekunge magonyeti maviri abonderana ndokubvira moto nemusi weChina manheru mumugwagwa Harare- Beitbridge pedyo nenzvimbo yeJoko.

Officer commanding Beitbridge district, Chief Superitendent Mesuli Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Zvinotaridza kuti rimwe remagonyeti aya raibva kuHarare richienda kuBeitbridge riine mutyairi waro chete uye risina zvarakatakura,” vanodaro.

“Gonyeti rechipiri raive rakatakura chibage nevanhu vatatu.

“Pakusvika panzvimbo yeJoko, mutyairi aienda kuBeitbridge akanzvenga kuti asatsike mombe ndokubva aenda kudivi remugwagwa kwaiuya nerimwe gonyeti iri ndokubva vabonderana.

“Izvi zvakaita kuti motokari mbiri idzi dzibatire moto ndokubva mumwe wevatyairi ava nemunhu aive akatakurwa vatsva kusvika pakutadza kuzivikanwa kuti ndivanani. Mumwe wevanhu vaive vakatakurwa nemumwe mutyairi vakatsva zvakanyanya nemoto uyu.”

Chief Supt Ncube vanoti vaviri vakakuvara ava vakabva vamhanyiswa kuchipatara cheBeitbridge.

Vanoti kufeyewa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *