Vanotyaira zvisina hanya mumigwagwa hokoyoyi!

Munyori weKwayedza

VATYAIRI vedzimotokari vanokonzeresa tsaona dzinourayisa vanhu vanogona kutongerwa kugara mujeri munguva pfupi iri kutevera, ukuwo vanenge vatyora mutemo mumigwagwa vanokwanisa kutorerwa marezinesi avo kana kukanzurwa pasi pezvisungo zvitsva zviri kurongwa neHurumende.

Danho iri rakanangana nekugadzirisa dambudziko rekutyaira zvisina hanya iro rakurumbira muZimbabwe.

Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa vakataura nguva pfupi yadarika kuti “muripo wehunhubu mumigwagwa yedu unofanira kupfuura zvipi nezvipi zvingabatsira avo vanenge vachifunga kuti vari kuwana kubva mukutyaira zvisina tsarukano”.

Vachitaura pamusangano weThe Sunday Mail/Traffic Safety Council of Zimbabwe Safe Driving Conference muHarare nemusi weChishanu svondo rapera,  mutevedzeri wegurukota rezvekutakurwa kwezvinhu nekusimudzirwa kwezvivakwa —  Cde Joshua Sacco —  vanoti zvakakosha kuti patorwe matanho akasimba ekuchengetedza hupenyu hwevanhu mumigwagwa.

“Isu sebazi, igwara rakajeka ratakapihwa naHis Excellency, President Mnangagwa, kuti panofanirwa kuiswa mimwe mitemo yakasimba inochengetedza hupenyu hwevanhu,” vanodaro.

Chiziviso ichi chinouya panguva iyo paine kushushikana kwakanyanya nekuda kwetsaona dzakawanda dziri kuitika mumigwagwa muZimbabwe.

Ongororo yakaitwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) inoratidza kuti munyika makaitika

tsaona dzemumigwagwa dzinosvika 28 159 pakati paNdira naChikumi gore rino, kubva pa25 968 munguva imwe cheteyo gore rapera, izvo zvinotaridza kuti dzakawedzera ne2 191.

Mitemo iripo, vanodaro Cde Sacco, iri kutadza kumisa kutyaira zvine njodzi, kunyanya apo kutyaira zvisina hanya kuri kukonzera kufa kwevanhu.

“Zvinoshamisa, ukaenda kuchitoro chikuru ukaba gaba (can) reCoke, unoiswa mujeri nemhosva yekuba,” vanodaro.

“Asi, kana uri mutyairi uye ukapara mhosva mumugwagwa zvichikonzera kufa kwevanhu vasere, unogona kuenda kumba uchitongwa uchibva kumba kwako. Uye kana ukawanikwa uine mhosva yekukonzera rufu, unopihwa chirango chekushanda pasina mubhadharo. Tichange tichikurudzira kuti Paramende ishandure mutemo pazvinenge zvakakodzera.”

Mapurisa anotendawo kuti mafaindi aripo haasi kudzivisa vanotyaira zvisina hanya.

“Mari yefaindi iyi inoita seinokwanisika kubviswa nekudaro haidzivise zvekuti vanenge vatyora mutemo vanokwanisa kudzokorora maitiro akaipa,” vanodaro Commissioner Gift Hlabiso vanove mukuru weZRP Electronic Traffic Management System.

Related Posts

Kaka amiswa basa . . . opomerwa kushandisa juju

Tadious Manyepo MAZUVA mashoma mutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders wabva mukutambwa, DeMbare yamisa basa murairidzi wayo, Genesis “Kaka” Mangombe, apo ongororo iri kuitwa maererano nemhosva dzaari kupomerwa, dzinosanganisira kushaya ruremekedzo…

ADVERTORIAL: Reply to the Second Reading debate: Constitution of Zimbabwe Amendment Bill No.3, 2026 by Honourable Ziyambi

Introduction Mr. Speaker Sir, I rise to reply to the Second Reading debate on the Constitution of Zimbabwe (Amendment No.3) H.B.1. Bill, 2026. Before doing so, may I thank Honourable…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×