Sikhumbuzo Moyo
VANHU vanorega zvipfuyo zvavo zvakadai semombe zvichingomberereka nemumigwagwa mikuru yenyika vachasangana nechirango chakakomba chemutemo sezvo mapurisa ari kusimbaradza matanho ekuderedza tsaona dzinokonzerwa nezvipfuyo zvinofamba zvisina kuchengetedzwa.
Mukuru wemapurisa munyika, Commissioner-General Stephen Mutamba, vanoti mombe dzinomberereka dziri kuramba dzichikonzera njodzi huru mumigwagwa apo vanhu vanofa kana kukuvara.
“Varidzi vezvipfuyo vari kuyeuchidzwa nezvechisungo chemutemo chekuti vachengete mombe nezvimwe zvipfuyo zvigare zviri kure nemigwagwa yeruzhinji. Mombe dzinongomberereka dziri kuramba dzichikonzera tsaona dzakakomba. Varidzi vezvipfuyo vanorega zvichipinda mumigwagwa nekuda kwekushaya hanya vachapomerwa mhosva zvichienderana nemutemo, sezvo vachiisa hupenyu hwevatyairi nevanofamba netsoka panjodzi,” vanodaro.
Comm Gen Mutamba vanoyeuchidzawo veruzhinji kuti kufambiswa kwemombe dzose kunofanira kutevedzera mutemo zvakasimba uye kuchitsigirwa nemagwaro akakodzera kubva kumapurisa (stock clearance permits), zvitupa zvekubvumidzwa kubva kuna chiremba wemhuka pamwe nemamwe magwaro ose anodiwa.
“Pamusoro pezvo, kufambiswa kwemombe husiku kunorambidzwa zvachose,” vanodaro.
Yambiro yemapurisa iyi iri kuuya mushure mesvondo rimwe chete apo mumiriri weNkulumane mudare reNational Assembly, VaFreedom Murechu, vakataura kuti panofanirwa kuve nekutevedzwa kwakasimba kwemitemo inodzivirira kuti zvipfuyo zvakadai semombe zvisangomberereka nemumigwagwa mikuru sezvo zviri kukonzera tsaona idzo dzinogona kudzivirirwa.
Vachitaura muParamende svondo rapera pamberi, VaMurechu vakarondedzera nezvetsaona yakaitika nguva pfupi yadarika mumugwagwa mukuru weBulawayo-Harare apo nhengo nhatu dzehutungamiriri hweHighlanders Football Club — sachigaro Retired Colonel Kenneth
Mhlophe, mutevedzeri wasachigaro uye mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo Superintendent Sifiso Siziba nemuchengeti wemari Nkani Khoza — pamwe chete nemutsigiri mukuru wechikwata ichi, Muzvare Mbalenhle Sibanda, vakarasikirwa nehupenyu mushure mekunge motokari yavo yabondera pamombe yaingomberereka nemugwagwa.
Vanoti njodzi iyi yakaratidza kukosha kwekuti patorwe matanho akasimba kune vanhu vanoshaya hanya nezvipfuyo zvavo izvo vanorega zvichingodzungaira.
VaMurechu vanoti kunyange hazvo mutemo wemuZimbabwe uchipa mutoro kuvaridzi vezvipfuyo kuti vasarege zvichingomberereka mumigwagwa yeruzhinji, kusatevedzwa kwemutemo uyu kwaita kuti dambudziko iri rirambe richikura, zvichiisa vatyairi nevafambi panjodzi.
“Kufamba nemotokari usiku chinhu chisingadzivisiki; hatigoni kuzvirambidza senzira yekuderedza tsaona dzemumigwagwa dzinokonzerwa nezvipfuyo zvinongodzungaira. Izvi zvingafanana nekuvhara chimbuzi kuitira kumisa chirwere chemabayo,” vanodaro.
Vanoti vanhu vazhinji vemuZimbabwe, kusanganisira vanoita zvekutakura vanhu, vatengesi vanoenda kunze kwenyika nevamwe vafambi, vanovimba nekufamba usiku, zvichiita kuti zvive zvakakosha kuita kuti migwagwa ive yakachengeteka pane kurambidza kufamba kwevanhu.
“Ndinokurudzira mapazi anoona nezvekutevedzerwa kwemutemo kuti aite basa rawo nesimba mukuona kuti mitemo ine chekuita nekuti zvipfuyo zvisangomberereka mumigwagwa yatevedzwa uye kuonawo kuti muridzi wemombe inowanikwa ichingodzungaira arangwa zvichienderana nemutemo. Mitemo iripo yakakwana yekuona kuti munhu iyeye atarisana nechirango chakakomba,” vanodaro.
VaMurechu vanokurudzirawo kuti zvipfuyo zvese zvinowanikwa zvichidzungaira mumigwagwa yeveruzhinji zvitorerwe varidzi vazvo.
“Panyaya iyi, mutemo wakajeka zvikuru. Zvipfuyo zvose zvinomberereka zvinofanira kutorwa, varidzi vese vezvipfuyo zvinongodzungaira zvichikonzera tsaona vanofanira kusungwa uye kutarisana nechirango chakakomba chemutemo. Vanhu vese vanoba waya dzakakomberedza migwagwa dzinoshandiswa sefenzi yekudzivirira zvipfuyo nemhuka kuti zvisapinde mumigwagwa vanofanirawo kusungwa,” vanodaro.
VaMurechu vanoti kuba fenzi dzemumigwagwa kuri kuitawo kuti zvipfuyo zvipinde nyore mumigwagwa mikuru, zvichiisa vatyairi vedzimotokari panjodzi isina kufanira.
“Zvirango zvakasimba zvinofanira kushanda senzira yekuratidza chokwadi chekuti hazvibvumirwi nemutemo kurega zvipfuyo zvichingomberereka mumigwagwa nekukonzera kurasikirwa nehupenyu zvisina kufanira,” vanodaro.




