Veruzhinji vopembedza Hurumende nejekiseni itsva rinodzivirira HIV

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kugamuchira nemaoko maviri kuuya kwemushonga mutsva unobatsira mukudzivirira kutapurirwa kweutachiona hweHIV kwenguva ndefu kuburikidza nekubaiwa jekiseni reLenacapavir

Jekiseni iri rinopa dziviriro yemwedzi mitanhatu munhu achizoenda kunobaiwa zvakare parinopera kushanda.

Chirongwa ichi chakaparurwa nomusi weChina chino paEpworth Clinic neGurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora.

“Tinofara zvikuru nekuuya kwejekiseni rinodzivirira HIV kwemwedzi mitanhatu, tainge takarimirira zvakanyanya nekuti kazhinji tinoona kuti kushandiswa kwemakondomu kunomboti netsei uye dzimwe nguva anenge asipo. Saka kana munhu ukagara wabaiwa jekiseni iri zvinoreva kuti unenge wakatodziviririka,” anodaro Dadirai Moyo (23) anova mumwe wevanoita basa rekutengesa muviri muguta reHarare.

Anoenderera mberi achiti kuwaniswa kwemishonga iyi kunobatsira mukuchengetedza utano hwemhuri zvinoita kuti nyika isarasikirwe nemari zhinji mukurapisa vanhu vanenge vava kurwara nekuda kweHIV.

Melody Dengu anova mumwe wevanotengesa muviri munharaunda yeEpworth anotenda Hurumende nevatsigiri vayo mukuvawanisa jekiseni iri rinoshanda sedziviriro kuutachiona hweHIV.

“Sevanhu vanotengesa muviri, kazhinji tinosemwa nekupihwa mazita tichinzi tisu tinoparadzira utachiona hweHIV saka tinovimba kuti kuuya kwejekiseni reLenacapavir kuchabatsira mukubvisa rusarura urwu uye tichange tava kuita basa redu nemazvo pasina kutya,” anodaro.

Zvakadai, Dr Mombeshora vanoti bazi ravo riri kushanda pamwe nesangano reNational AIDS Council (NAC) nevamwe vatsigiri mukuona kuti mishonga iyi yaendeswa kuvanhu.

“Mishonga yeLenacapavir iripo mukudzivirra utachiona hweHIV kuvanhu vasina utachiona uhwu zvachose. Pachikamu chekutanga, tichaendesa mishonga iyi kumadistricts gumi nemaviri kuburikidza nezvipatara nemakiriniki. Tichanyanya kunangana nevanhu vari panyatwa vakadai sevanasikana, madzimai echidiki, vanotengesa muviri, varume vanoita bonde nevamwe varume, madzimai akazvitakura nevanoyamwisa,” vanodaro.

Dr Mombeshora vanoti mishonga uyu weLenacapavir unoshanda zvimwe chete sezvinoita mapiritsi ekudzivirira utachiona hweHIV emaPre-Exposure Prophylaxis (PrEP).

Chamangwiza weNAC, Dr Bernard Madzima, vanoti kuvandudzwa kweruzivo netsvakurudzo kwakakosha mukurwisa kutapurirana utachiona hweHIV.

Vanokurudzira kushandiswa kwedziviriro yemakondomu nguva dzose yakabatana nemishonga mitsva iri kuburwa kuti pave nedziviriro izere.

Mugore ra2025, Zimbabwe yakasarudzwa seimwe yenyika dzekutanga kuwaniswa mishonga  yeLenacapavir mushure meongororo yakaitwa pasi rose.

Chinangwa chikuru ndechekuti vanhu vanosvika 46 500 vabatsirike pachikamu chekutanga uye chirongwa ichi chichizovandudzwa nekufamba kwenguva.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *