Zim yosimbaradza kudzivirira kupararira kweHIV

Muchaneta Chimuka 

HURUMENDE iri kutarisira kugamuchira kubva kunze mimwe mishonga yeLenacapavir iyo inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV munguva pfupi iri kutevera izvo zvichabatsira veruzhinji vari panyatwa yekutapurirwa hutachiona uhu.

Lenacapavir mushonga unowanikwa nenzira yejekiseni kana mapiritsi uchibatsira mukudzivirira kutapurirwa kwehutachiona hweHIV.

Jekiseni iri rinobaiwa vanhu vanenge vatanga vavhenekwa vakaonekwa kuti havana hutachiona uhu chete uye richipa dziviriro ine chikamu che99 percent.

Rinobaiwa padumbu kana pachidya pane nyama nhete richipa chengetedzo kana kuti dziviriro kwegore rese uye munhu anoribaiwa kaviri pagore.

Vachitaura pachirongwa chaikotsverwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana chichitsigirwa nesangano reOrganisation for Public Health Interventions and Development (OPHID), Health Communicators Forum uye Hurumende yeUnited States kuBulawayo, Muzvare Gertrude Ncube vanova National HIV Prevention Coordinator kubazi iri vanoti kushandiswa kweLenacapavir kwakakosha mukuchengetedza utano hwevanhu.

Asi vanoti mushonga uyu unofanira kushandiswa uchibatsirana nedzimwe nzira dzedziviriro dzakadai semakondomu kuitira zvirwere zvepabonde nekubata pamuviri pasina kurongeka.

“Tinokurudzira zvakare veruzhinji kuti vashandure maitiro avo sekuderedza nyaya dzekupinda pabonde nevadikanwi vakawanda uye vasina kuvimbika nekuvhenekwa hutachiona hweHIV kuti vazive pavamire maringe neutano hwavo,” vanodaro.

Muzvare Ncube vanoti mishonga iyi iri kuwanikwa pachena mumadistrict akasiyana munyika nevanhukadzi,  varume, madzimai akazvitakura nevanoyamwisa uye nevanhu vari panyatwa avo vanotora zvinodhaka kuburikidza nekuzvibaya majekiseni, pakati pevamwe.

“Kubvira pakaparurwa chirongwa chekushandiswa kwemushonga mutsva wekudzivirira HIV weLenacapavir nomusi wa19 Kukadzi gore rino, kuEpworth muHarare, vanhu 1 614 vakawaniswa mushonga uyu kusvika patakapinda mumwedzi waChivabvu. Tiri kutarisira kugamuchira mimwe mishonga kana kuti majekiseni 42 000 mumwedzi waChikunguru, kureva kuti vanhu vakawanda vacharamba vachibatsirikana. Mishonga iyi yakaongororwa ikaonekwa kuti haina zvimwe zvainokanganisa utano hwevanhu nokudaro vanhu vakawanda vari kuuya kuzvipatara nemakiriniki vachida kubaiwa. Vanhu ava vanosanganisira varume avo vaimbotyira kure mune zvimwe zvirongwa zvedziviriro zvakadai sekuchecheudzwa, kushandiswa kwemakondomu kana kutora mapiritsi ePrEP,” vanodaro.

Dr Pugie Chimberengwa vanova OPHID Technical Director vanoti kuuya kwemishonga yeLenacapavir kwakakosha kuitira kuti veruzhinji vave nesarudzo dzakasiyana maringe nedziviriro yeHIV.

Zimbabwe imwe yenyika dzekutanga dzepasi rose dzakatanga kushandisa mishonga yeLanacapavir apo chirongwa ichi chakaparurwa kuEpworth mushure mekunge zvaonekwa kuti inzvimbo ine vanhu vakawanda vari panyatwa yekutapurirana hutachiona hweHIV.

Izvi zvinotevera huwandu hwevanhu vanoita mabasa ekutengesa muviri kuEpworth.

Mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi, Hurumende yave mushishi kuona kuti chapambira kune dzimwe nzvimbo dzakasarudzwa dziri kumativi mana enyika.

Nzvimbo dziri kuwaniswa veruzhinji mishonga iyi dzinosanganisira Princess Margaret Rose Clinic kuBulawayo, Chitungwiza, Gweru, Kwekwe, Mutare, Goromonzi, Zvimba, Chiredzi, Sanyati, Masvingo, Hurungwe, Makoni, Buhera, Chegutu, Marondera, Gokwe South, Mberengwa, Gwanda, Beitbridge, Mwenezi, Mhondoro, Mangwe, Tshootsho, Insiza, Lupane neNkayi

Related Posts

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Mabvazuva Choral Group yazviita zvakare

Abel Ndooka CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group hachisi kudzokera shure murwendo rwekutendeutsa vanhu zvichitevera kubura kwachakaita dambarefu idzva rechipfumbamwe rinonzi ‘Mibvunzo Yenhando’. Dambarefu idzva iri rine nziyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×