Zimbabwe yosimbaradza kuenzaniswa kwemikana munyaya dzedzidzo

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE, kuburikidza nebazi redzidzo yepurayimari nesekondari, yakaparura chirongwa chiri maringe neongororo yakaitwa muzvikoro yakatarisana nenyaya dzekusimbaradza kuenzaniswa kwemikana pakati pevadzidzi vechisikana nevechikomana uye kutsigirwa kwevakaremara muzvikoro.

Vachiparura chirongwa ichi cheGender and Inclusion Report Audit (GEDSI) svondo rapera, mutevedzeri weGurukota rezvedzidzo yepurayimari nesekondari Cde  Angeline Gata vanoti ongororo iyi yakakosha sezvo ichivaratidza budiriro pamwe nemikaha iri muchikamu chedzidzo.

Vanoti izvi zvinobatsira kuti Hurumende ikwanise kutora matanho ekugadzirisa zvimwe zvezvinhu zvinodzorera dzidzo kumashure.

“Ongororo iyi yakakosha nekuti inosimbaradza mabasa ari kuitwa neHurumende mukutsigira dzidzo. Pane nyaya dzakabuda dzinosanganisira kumitiswa kwepwere muzvikoro, kushaikwa kwezvekushandisa kwevadzidzi panguva yekutevera uye kushomeka kwezvivakwa zvinoenderana nevadzidzi vakaremara muzvikoro. Saka zvinotipa gwara rakanaka rekuti tione kuti tiri kuendepi uye tingarwisa sei zvimhingamupinyi,” vanodaro.

Cde Gata vakashoropodza dzimwe tsika dzechinyakare dzakashata idzo dzichiri kuitwa munharaunda dzakasiyana dzakadai sekuripa ngozi pachishandiswa vanasikana iyo inova mhosva huru pasi pemutemo.

Vanoti bazi ravo riri kushanda nemadzishe, masabhuku nehumwe hutungamiriri hwenharaunda dzakasiyana mukurwisa kuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera.

“Patinopa dzidziso, tinoenzanisa mikana tichionawo kuti vanakomana havasari nekuti ndivo vamwe vanogumisira vava kuzvisungirira mushure mekupomerwa kuti vapa pamuviri vana vevaridzi. Nyaya idzi dziri kuwanda zvikuru pamadandemudande  eSocial Media tichiona kuti pachine mikaha maringe nekuwaniswa kwemashoko uye ruzivo maringe nechengetedzo yevanasikana nevakomana muzvikoro. Kutorwa kwezvinodhaka ndiro rimwe dambudziko guru riri kukanganisa dzidzo saka zvinoda mushandirapamwe kuzvigadzirisa,” vanodaro.

Cde Gata vanopembedza chirongwa chiri kuitwa neHurumende cheBasic Education Assistance Module (BEAM) vachiti vana vazhinji vanobva kumhuri dzinonetseka uye nherera vari kubatsirika nedzidzo yepachena.

Ongororo iyi yakaitwa mumatunhu mana anoti Harare Metropolitan Province, Mashonaland East, Mashonaland Central neMashonaland West ichitsigirwa nemasangano akadai seUnited Nations Children’s Fund (UNICEF) Women’s Coalition of Zimbabwe, Patsime Edutainment neShamwari Yemwanasikana.

Zvakadai, Zimbabwe iri panhamba ye49 pasi rose uye yechisere muSub-Saharan Africa panyaya yebudiriro yekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi, kubva panhamba 54 mugore ra2024 uye izvi zvinowanikwa mugwaro reWorld Economic Forum’s 2025 Global Gender Gap Index Report.

Zimbabwe inotevedzawo mitemo inofambirana nezvisungo zvepasi rose zvekubvisa rusarura uye mukurwisa mhirizhonga iyo inosanganisira Sustainable Development Goals, Convention on the Elimination of All Forms of Discrimination Against Women neSADC Protocol on Gender and Development.

 

Related Posts

Murume (41) ofemeswa nemuchina weoxygen aregera kutora maARV

Muchaneta Chimuka MURUME wekuChitungwiza, VaDavid Mandiwenga (41), vanoti vakarasikirwa nemapapu avo ese mushure mekunge vazvisarudzira kuregedza kutora mishonga yavo yemaAntiretroviral Drugs (ARVs) kwemwedzi misere apo vakanga vava kushandisa mishonga yechivanhu.…

‘Kugeza muviri mazuva ose hakuna kunaka’

Mthokozisi Ncube KUGEZA muviri mazuva ose kunonzi kunogona kukanganisa utano kuburikidza nekuomarara kweganda uye kuwedzera mukana wekubatwa zvakare nechirwere chegomarara reganda, dzinodaro dzimwe nyanzvi dzezveutano. Nyanzvi dzinosanganisira dzekunze dzeUniversity of…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×