Zimpapers yotsigira vechidiki munyaya dzezvenhau

NaFredrick Machingaifa-Chinhoyi High School

Musi wa20 Chivabvu 2026, paChinhoyi High School, pakaitwa chirongwa chakakosha chakapindwa nevaenzi vakabva kuZimpapers vakauya kuzodzidzisa vachidiki kutapa nekunyora nhau pamwe chete nebasa rekutepfenyura paredhiyo.

Amai Pauline Matanda avo vanova mutauriri weZimpapers vakatsanangura zvakanakira kuva mutapi wenhau kana mutepfenyuri weredhiyo.

Vakakurudzira vechidiki kuti vashandise matarenda avo mukusimudzira nhau dzinovaka nyika pamwe nekusimudzira ruzivo munharaunda.

Mushure maizvozvo, Mukorekore weMashonaland West,anova mutepfenyuti wepaPlatinum FM vakazotsanangurira vadzidzi maitiro anofanira kuita mutepfenyuri akanaka.

VaAkati mutauri wenhau anofanira kutaura zvine mutsindo, zvakajeka uye zvinonzwisisika kuitira kuti vateereri vanakirwe nenhau dzinenge dzichiparadzirwa.

Conrad Mupesa, munyori wenhau we Zimpapers akazotora mukana uyu kutsanangura mitemo nemasangano anochengetedza vatapi venhau akaita seZimbabwe Union of Journalists.

Akakurudzira vadzidzi kuti kana vachitapa nhau, vanofanira kunyora chokwadi chete uye kudzivisa kunyepa kana kunyora nyaya dzisina humbowo.

Akati kunyora mashoko enhema kunogona kuunza matambudziko emutemo uye kuripiswa faindi.

Pakati pevakapinda pachirongwa ichi paive nevadzidzi nevadzidzisi kubva kuzvikoro zvakasiyana-siyana zvinosanganisira Nemakonde High School, Mozy’s Academy, Ruvimbo Primary School, Rujeko Primary School neAlpha College.

Kambani yeNyaradzo rakapawo zvikoro zvese zvaivepo miti yekudyara kuitira kusimudzira kuchengetedzwa kwezvakatipoteredza. Izvi zvakafadza zvikuru vadzidzi pamwe nevadzidzisi.

Chirongwa ichi chakawedzera kukosha pakasvika mukuru wezvedzidzo mudunhu reMakonde, VaSolomon Katoma, pamwe nevatevedzeri vavo.

Kusvika kwavo kwakaratidza pachena kuti chirongwa ichi chine kukosha kukuru mukusimudzira tarenda revechidiki munyaya dzezvenhau nekudzidza.

Related Posts

Heed Global South’s calls: President . . . demands just world order at UN Summit

Wallace Ruzvidzo in NEW YORK CALLS by developing countries and the Global South for a just and equitable world order must be heeded to accelerate progress towards fulfilling the United…

Restoring trust in UN key: Govt

Wallace Ruzvidzo in New York, USA RESTORING trust in the United Nations is critical as the world fragments into unilateralism against the founding principles of the global body, Foreign Affairs…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *