Nyasha Simbisai
ZVIRIMWA zvetsanga diki nezvimwe zvakakasika kudyarwa hazvina kunyanya kukanganiswa nokuda kwekusanaya kwemvura nguva pfupi yadarika, izvo zvakasiya chibage chakawanda chichiratidza kusvava pamusana pekupisa kwakanyanya.
Izvi zvinotevera kunaya kwakaita mvura kumativi mana enyika, iyo yavandudza zvikuru mamiriro ezvirimwa mumatunhu akawanda.
Kunaya kwemvura uku kwaunza zororo kuvarimi vakawanda sezvo vanga vachinetsekana nekumbomira kwayo pakati pemwaka.
Chibage ndicho chakanyanya kukanganiswa nekusanaya kwemvura, ukuwo mbesa dzetsanga diki dzakaita sezviyo nemhunga dziri kuratidza chimiro chakanaka.
Goho remhunga riri kuramba rakanaka, kunyanya munzvimbo dzeRegion IV.
Munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa Professor Obert Jiri vanoti kunaya kwemvura zvine mutsindo kubvira musi weChishanu chapfuura kwakamutsa mbesa dzange dzichiratidza kusvava.
“Mvura yadzoka uye nzvimbo dzakawanda dzakawana mvura yakanaka munyika yose. Zvirimwa zvanga zviri kusvava panguva yekupisa nekuoma zvave kuita zvakanaka,” vanodaro Prof Jiri.
Vanoti kunyangwe hazvo nzvimbo zhinji dzakabatsirikana, mamwe matunhu akaita seMbire, Beitbridge nedzimwe nzvimbo dzeMidlands haasati awana mvura yakakwana.
“Zvisinei, tinotarisira kuti mukupera kwesvondo rino nzvimbo zhinji idzi dzinenge dzawanawo mvura ine mutsindo, zvichisimbisawo goho,” vanodaro.
Prof Jiri vanoti varimi vakatevedza mitemo yezvekurima pamwe nekudyara nguva ichiripo havanyanyi kukanganiswa nekusanaya kwemvura, izvo zvinotsinhira kukosha kwekurima kunoenderana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.
“Varimi vakadyara mbesa dzavo nenguva havana kukanganiswa zvakanyanya nekusanduka kwemamiriro ekunze sezvo vamwe vave kutotanga kukohwa asi vakazorima kumashure mbesa dzavo hadzina kuzowana mvura yakakwana,” vanodaro.
Nyanzvi munyaya dzezvekurima mudunhu reMangwe, Muzvare Phanankosi Sibanda, vanoti zvirimwa zvadzoka panzvimbo mushure mokunge mvura yatanga kunaya zvakare nemusi weSvondo wadarika. Izvi zvinotevera kumbopisa kwakanyanya kwekunze muna Ndira naKukadzi apo mvura yakambomira kunaya.
“Varimi vari kurwisana neshiri dzemhando yemaquelea, idzo dziri kukanganisa goho mudunhu rino. Hurumende iri kuongorora mamiriro akaita zvinhu kuitira kuderedza kurasikirwa, zvikuru muminda yezvirimwa zvetsanga diki,” vanodaro Mai Sibanda.
MuWard 7, kuBindura, kuMashonaland Central, goho revarimi riri kutarisirwa kuvandudzika zvichitevera kunaya kwemvura zhinji mukupera kwesvondo radarika.
Murimi weA1, VaStanley Mkombozi, vanoti nzvimbo iyi yakanaya mvura yakadzika pasi zvekusvika 65mm nomusi weMugovera, izvo zvakabatsira zvakanyanya mukudzoreredza hunyoro hwevhu.
“Takaita dambudziko munguva yekusanaya kwemvura uye takaona zvirimwa zvedu zvichisvava zvakanyanya. Asi mvura yakadzoka zvakare uye tave kutarisira goho rakanaka,” vanodaro.
Mudunhu reSeke, varimi vanoti zvirimwa zvakaita sechibage zvakakanganisika zvakanyanya nekumbomira kwakaita mvura.
Murimi weA1, VaEdmond Mataruse, vemudunhu iri, vanoti kusanaya kwemvura kwenguva yakareba kunodzosera goho kumashure.
Mukuru wezvekurima muSeke Ward 14, Muzvare Tecla Zura, anotsinhira kuti goho remunzvimbo iyi rinotarisirwa kudzikira zvichitevera kunaya kwemvura kusina kuringana.




