Dzidzo ngaiumbe vana – Kateera
Malven Mugadzikwa — MUKURU wedzidzo muHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti mubatanidzwa wezvidzidzo zveScience, Technology, Engineering, Arts neMathematics (STEAM) unofanirwa kusimbaradzwa pamwe nekuvandudzwa sezvo iri iyo nzira
dambudziko rinouya nekuzvara
Muchaneta Chimuka — MAI Irene Mlambo (67) vekuMushumbi Pools, kwaShe Chipuriro kuDande, ndemumwe wemadzimai aishuvirawo kubata vana mumawoko avo uye vachirarama upenyu hunofadza. Asi izvi zvakakona apo vakasangana nedambudziko rekubvaruka…
Nhoroondo yemurimi mudiki
Buhle Nkomo — “NDAKATANGA kurima fodya ndiine makore 23 okuberekwa. Makore matatu andarima fodya ange azere nekushanda nesimba pamwe nekuzvipira. Kurima fodya kune pundutso,” anodaro Simbarashe Nyakurimwa (26) uyo anorima…
Champions League handi dambe: Mubaiwa
Abel Ndooka — VATSIGIRI venhabvu vachiri kushushikana zvikuru kuti chii chaizvo chakatadzisa chikwata cheCAPS UNITED kufambira mberi mumutambo weCAF Champions League zvichitevera kukundwa kwachakaitwa svondo rapera neUMS Alger 4-1.
Anonwisa zvikomba weti
— kudzivirira runyoka — ‘Murume wangu anovaziva’ Kingstone Mapupu — MUKADZI akaroorwa wekwaMakumbe, kwaChinhamora, kuDomboshava ari kubuda pachena kuti ane zvikomba “jahwi” uye chimwe chacho pari zvino anonzi ari kutochinwisa weti…
satanism ‘sweets’ pachikoro
Ray Bande — MAPURISA anoona nezvekudzivirirwa kwemhirizhonga akazoshevedzwa pachikoro cheNyanyadzi High School, kuChimanimani, neMuvhuro svondo rino apo vana nevabereki vaidya marasha vachida kuti mumwe mudzidzisi wechikadzi
‘Ngwarirai Avian Influenza’
Munyori weKwayedza — SANGANO revarimi vanochengeta huku dzechivanhu reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA) rotsigira chirongwa cheHurumende chekuvandudza hupfumi hwenyika kuburikidza nekudzidzisa varimi machengeterwo eshiri
Bhinya rakatakwa nemabwe
Blessings Chidakwa ari kuGWERU — MURUME weGokwe — uyo ari kupomerwa kubata mumwe musikana chibharo apo amai vake vainge vakatarisa, ndokuzoedza zvakare kubhinya mudzimai uyu — ava kuzvidemba zvichitevera kutemwa…
Ita mari nemabutternut
Silas Mutota — KAMBANI yePrime Seed Co, iyo inotengesa mbeu dzemumabindu, inokurudzira varimi kuti vadyare mbeu dzakauchikwa kuti vagozowana goho rinovapundutsa. Mbeu idzi dzinopa murimi goho repamusoro uye mari yakawanda.
‘Ndine mimba yamufundisi’
Kingstone Mapupu — MUFUNDISI weSalvation Army anoshandira kwaChivero, kuMhondoro ari kupomerwa kumitisa mumwe musikana wemuchechi iyi uyo anonzi anomuita hanzvadzi.










