Manhuchu ane dovi
MANHUCHU — chinove chibage chakasvuurwa kana kuti chakatswiwa chozobikwa — kana akabikwa aine dovi panobuda kudya kunovaka muviri uye kunogutsa zvikuru.
Akatekeshwa nesimbi vachirwira murume
Lizzy Mushoriwa — MUDZIMAI wekuti akatemwa kumeso nesimbi nemumwe mukadzi achimupomera kudanana nemurume wake ndokusara akuvara zvakanyanya ave kudunura kuti akapihwa mbonje yeupenyu hwose uye anoda kuti adzoserwe mari yaakashandisa
Ndiri ‘shefu’ wevaroyi: Mwana (13)
— ‘Ndini ndinovhura makuva’ Kingstone Mapupu — KAMWANA kasikana kanogara kwaRukweza, kwaMakoni kwaRusape, kari kudura kuti kanoroya zvemberi nedzimwe chembere dzemunzvimbo iyi — idzo dzinokatungamidza pamwe chete nevamwe vana pakuvhura makuva…
Kurima mavise ePrime Seed Co
Silas Mutota — KUKAMBANI yePrime Seed Co tine mbesa dzezvirimwa zvakawanda kubva kune dzinonyatsoita muchando kusvika kune dzinoita munguva yekudziya. Sezvo tave kupinda munguva yekudziya, ndinoda kutaura nezvechirimwa chinoita mumwaka
Chikomba chakanamira pamudzimai wemunhu
— ‘Ndapfidza, handichazviita futi’ Kingstone Mapupu — MURUME wekuMabvuku, muHarare — uyo asingabvire mukudanana nevakadzi vevanhu — “akazogadzikwa mudhishi” apo akanamirana nemudzimai wemuridzi pavaisasana kuEpworth, pashure ndokushaya sikarudzi yake zvachose.
‘bhucha’ rizere nyama yembwa
— ‘Imwe ndinoendesa kwatezvara’ Nyaradzo Bakari naCodelia Mondela — NYAYA yekuda usavi hune mutengo wakaderera inonzi yasiya vamwe vagari vekuBulawayo vave kungosvipa mate nekusemeswa mushure mekunge vazoziva kuti vagara vachipedza nhomba…
‘Dzidzo nemitambo zvinofambirana’
Abel Ndooka — MUKURU wezvedzidzo kudunhu reMashonaland Central, VaLloyd Tapuwa Mudiwa, vanoti mitambo inokosha zvikuru mudzidzo yevana sezvo vamwe vachizokwanisa kuwana raramo kubva mairi mune remangwana.
Akaremara adzvokorwa nekatsi
Kingstone Mapupu — MURUME wechidiki anogara kuNorton anoti akasara aremara mitezo yemuviri wake mushure mekunge avingwa nezikatsi dema husiku, iro rakangosvikodzvokorana naye ndokuchema apo rainge rakawetsura maziso.
baba vemwana ndevapi?
— Ruwoko rwavo nerwemwana zvinofanana — Ndizvo zvakashandiswa kupedza gakava Liberty Dube naNyore Madzianike — NZIRA yechivanhu yekuti baba chaivo vemwana vazivikanwe nekuongorora mitsitse iri muchanza chemumawoko emwana neababa inonzi yakabatsira…
Murume akaba chingwa chaJesu
naIgnatius Mabasa — JESU akanga apa vanhu zviuru zvishanu chingwa nehove vakadya, vakaguta zvekutosiya zvimwe. Mushure mekunge vanhu vaguta, Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vaunganidze chingwa chese nehove zvakanga zvasara…










