‘Dzidzo nemitambo zvinofambirana’

Abel Ndooka —
MUKURU wezvedzidzo kudunhu reMashonaland Central, VaLloyd Tapuwa Mudiwa, vanoti mitambo inokosha zvikuru mudzidzo yevana sezvo vamwe vachizokwanisa kuwana raramo kubva mairi mune remangwana.

Vakataura mashoko aya svondo radarika pachikoro cheBradley High School chiri kuMadziva pamakwikwi eNASH Stella Tea Netball Tournament.

Vanoti dzidzo nemitambo zvinoenderana sezvo zvichibatsira vana kuti vavhurike pfungwa uye vawane zvimwe zvekuita zvinovabvisa kumisikanzwa.

“Danho rakatorwa neHurumende kuburikidza nebazi rezvedzidzo rekuti vana vanofanirwa kuita zvemitambo rakakosha chaizvo nekuti zvinobatsira muupenyu hwemwana. Mwana akapedza chikoro akaenda kumitambo zvinomubatsira mumuviri wake nekuti anogara akasimba uye zvinomubvisa kuzvinhu zvakaita semisikanzwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nhasi takaunganira vanasikana, saka kuvanasikana kana vachiita zvemitambo zvinobatsira kuti vanenge vasisina nguva yekuita zvevakomana.”

Zvakadai, chikoro cheSihkulile High, icho chiri kuBulawayo, ndicho chakatora mukombe weNASH Stella Tea Netball Tournament mushure mekukunda Mpompoma High yekuBulawayo zvakare 29-19 mufainari yakanakidza zvikuru.

Sihkulile yakapihwa mukombe nemari inosvika $4 400.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *