Shabba appointed Mutare City coach
Mukudzei Chingwere, Harare Bureau NEWLY promoted Premiership side Mutare City have appointed Joseph Takaringofa as their head coach on a one-year contract for the upcoming season in line with Zifa’s…
‘Mhanzi ngaive inovaka’
Abel Ndooka MUIMBI ane mukurumbira mumusambo weAfro-fusion, David “HD” Hondoyedzomba anoti mhanzi inofanira kuve nechainovaka muvanhu kwete kuti vangonakidzwa nayo chete.
Harurwa: Kudya namambo!
HARURWA tupukanana tunorarama nekudya mashizha emiti sezvinongoita hwiza kana kuti mhashu asi tuchinyautsa mukanwa zvikuru kana tukabikwa nemazvo.
Misika yefodya yoenda kuvarimi
Muchaneta Chimuka GADZIRIRO dzekuti misika yefodya (tobacco auction floors) inge ichipinda muvarimi dzave padanho repamusoro uye parizvino kambani yeTobacco Industry and Marketing Board iri kuita ongororo yenzvimbo dzakakodzera kutengeserwa fodya…
Hari 3 dzizere tsvina yemunhu. . . nyama mbishi nedoro padivi . . . bakatwa rakabairirwa muvhu
Muchaneta Chimuka VAGARI vekwaMunyawiri, kuDomboshava, havana neremuromo zvichitevera mashura “eKirisimasi bhokisi” avakafumoona — hari nhatu dzizere tsvina yemunhu, doro, nyama nyoro mbishi uye nhekwe yefodya nebakatwa rainge rakabairirwa muvhu.
Hre City yakadzirasa: psl
Abel Ndooka SANGANO rePremier Soccer League (PSL) rinoti chikwata cheHarare City chakazvikanyira uye hachisi kuzokwanisa kukwikwidza kuti chirwire mukombe weChibuku Super Cup wachakahwinha mwaka wadarika zvichitevera kuburitswa kwachakaitwa muligi iri.
Maticha tinemi: Mavima…Tinonzwisisa nhuna dzenyu’
Muchaneta Chimuka GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti vane tarisiro yekuti matambudziko kana kuti zvichemo zvevarairidzi zvinge zvichitariswa senzira yekusimudzira mashandiro avo.
Oramba kuchengeta mwana . . .‘Inini wacho nditori panguva yakaoma’
Lizzy Mushoriwa VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe murume akati anokwanisa kubvisa $10 pamwedzi semari yekuchengeta mwana wake achiti upenyu hwakamuomera zvekuti ari kurarama nekudya nhoko dzezvironda.
‘Mishonga haidi kusanganiswa’
Muchaneta Chimuka VARWERE vanenge vachitora mishonga yechivanhu kana miteuro yavanenge vapihwa kumapiorofita nekumachechi vari kukurudzirwa kuti vadure izvi apo vanoenda kuzvipatara senzira yekudzivirira kuwandisa kwemishonga mumuviri izvo zvinogona kukanganisa utano…
Varimi vanoda dhibhi
Kingstone Mapupu VAGARI vekwaChimushonga kwaMambo Chiswiti kuMt Darwin, kuMashonaland Central Province, ochemera kuvakirwa dhibhi vachiti rimwe chete rinowanikwa munzvimbo iyi riri kure zvikuru uyewo rinowandirwa zvekuti varimi havakwanise kudhibhisa mombe…










