‘Mhanzi ngaive inovaka’

Abel Ndooka
MUIMBI ane mukurumbira mumusambo weAfro-fusion, David “HD” Hondoyedzomba anoti mhanzi inofanira kuve nechainovaka muvanhu kwete kuti vangonakidzwa nayo chete.

“HD” – uyo anozivikanwa nenziyo dzakawanda dzinosanganisira ‘Bhora Mberi’ na’Baba Munenge Rombe’ iyo akaimba naSuluman Chimbetu – anoti mhanzi ngaive ine chainodzidzisa. Anoti ibasa revaimbi kuparidza hunhu hwakanaka kuburikidza nemhanzi.

“Vaimbi tese tikaita chitsidzirano chekuti tiimbe mhanzi inovaka, ndinofunga zvakashata zvese zvatinoona zvichiitika munyika kana pasi rese zvinopera. Izwi redu sevaimbi rine mutsindo uye kazhinji zvatinoimba ndizvo zvinoitika munyika sezvo tinozviona zvichiitika, vana vechidiki vanoterera uye votevedzera zvinenge zvichiimbwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Zvino tikaimba zvinyadzi kana zvinokurudzira mhirizhonga tinenge tichitouraya vana nekuvakanganisa ramangwana ravo.” Parizvino “HD” akwanisa kutsikisa madambarefu maviri anoti ‘Uncle Sam’ na’Bhora Mberi’ uye gore rino muimbi uyu ari kuvimbisa kubura rechitatu iro anoti rinofanirwa kudzidzisa hunhu hwakanaka.

“Gore rino nderangu, ndiri kuona shanduko ichiuya. Ndiri kutsikisa mhanzi inoparidza tsika nemagariro akanaka. Ndizvo chete zvinongodiwa kana Mwari vanopindira vokutungamira kana uchiimba mhanzi ine chirevo chakanaka,” anodaro.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×