Mutumbi wakanhongwa murwizi

Kingstone Mapupu MAPURISA ekuConcession, kudunhu reMashonaland Central, vakanhonga mutumbi wemunhukadzi wainge wakasungwa maoko ose mbiradzakondo nekumashure uyo wavari kufungidzira kuti akafa nekupondwa nevanhu vasati vave kuzivikanwa. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa…

‘Waita mari nekamba’

Munyori weKwayedza YAKAVE batai-batai pakati peguta reMutare nemusi weMuvhuro wadarika apo mudzimai anogara mumusha weMurambi aipomera murume wake kuti ane kamba yaanoshandisa nemushonga kuti aite mazimari. Vanhu vaive pamutsetse wekutora…

‘Hama tambirai kure neni’

Tendai Gukutikwa MURUME nemudzimai wake vanogara kwaZimunya, kwaMutare, vari kuudza hama dzavo kuti dzitambire kure uye kuti dzisasvike mamita 250 pedyo navo nekuti vari kuvapumha huroyi vachiti vane zvikwambo zvinoshinha…

Mutambo wakandikoshera, anodaro Sikandar Raza

Abel Ndooka CHIKWATA checricket chemaChevrons chiri kupinda mu”hondo” svondo rino apo chichatatsurana nePakistan mumitambo mitanhatu inoti mitatu yeOne Day International series (ODI) nemimwe mitatu zvakare yeT20 International. Mitambo iyi ndeyekutanga…

Musadhakwe — Umbro

Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu kuzvikwata zvinosanganisira Dynamos FC, Warriors neLech Poznan yekuPoland — Gift “Umbro” Muzadzi — inoti doro harina kumbonakira mutambi wenhabvu zvachose sezvo richikanganisa muviri wake…

Zvinhu zvakarasika nezvakawanikwa

KUTANGA svondo rino, Kwayedza — yakabatana nemapurisa eZimbabwe Rupublic Police (ZRP) — ichange ichikuzivisai pamusoro pezvinhu zvakarasika nezvakawanikwa. Danho iri richaita kuti vanhu vaitirwe nyore nekuwana zvinhu zvavo zvinenge zvabiwa…

Zvirwere zvetsuro muZhizha

Kingstone Mapupu VARIMI vari kuyambirwa kuti vangwarire zvirwere zvinogona kubata tsuro mumwaka weZhizha sezvo zvipfuyo izvi zvichinzi zvinobatwa nematenda akawanda munguva yekunaya kwemvura. Yambiro iyi inopihwa nenyanzvi munyaya dzekupfuya tsuro,…

Zviri Mugapu: Usadherere misoro yehuku

naMuchaneta Chimuka MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire. Svondo rino Tarisai Maravanyika wemuHarare anorondedzera mabikirwo emandorokwati enyama iyi. Zvinodiwa: Misoro yehuku,…

Regai kurivara: WHO

Tandayi Motsi SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti nyika dzakwanisa kuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19 hadzifanirwe kuvarairwa, asi kusimbaradza matanho ekurwisa denda iri kakapetwa kaviri. Vachitaura kuvatori…

KuMasvingo vogadzirira mwaka

Godfree Magavu AKANGE ari makuwerere apo varimi vekuZoma, munzvimbo yeFelisburg mudunhu raMambo Serima, kwaGutu vakawana mukana uzere wezvidzidzo  kubva kukambani yavo inouchika mbeu yeSeed Co pamwe chete nebazi rezvekurima, reAgritex.…

×
×