Regai kurivara: WHO

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti nyika dzakwanisa kuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19 hadzifanirwe kuvarairwa, asi kusimbaradza matanho ekurwisa denda iri kakapetwa kaviri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChishanu chadarika vari kumuzinda wavo uri kuGeneva, kunyika yeSwitzerland, Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus — avo vanova mukuru weWHO — vanoti mwedzi mishoma inotevera ichange yakaoma zvikuru panyaya yekupararira kweCovid-19 kumatunhu anosanganisira Europe neNorth America uko chirwere ichi chiri kunyuka kechipiri zvakanyanya.

“Mashoko angu kunyika dzakwanisa kuderedza kupararira kweCovid-19 anoti ino ndiyo nguva yekusimbaradza zvirongwa zvekumisa denda iri kakapetwa kaviri. Rambai makashinga uye ongororai mamiriro echirwere ichi nekutora matanho akafanira nekukasika. Musaite kuti chitekeshere zvakare,” vanodaro.

Dr Tedros vanoenderera mberi vachiti, “Chechipiri, kune idzo nyika dzine vanhu vakawanda vari kubatwa neCovid-19 zvinoda kusimbaradza matanho ekumisa kupararira kwedenda iri. Chechitatu, ndinoti zvakakosha kutaurira vanhu chokwadi maringe nemamiriro akaita chirwere ichi munyika uye nezvinofanirwa kuitwa nemunhu wose mukuchirwisa.

“Chechina, panofanirwa kuve nenzira yekuti zvive nyore kuti veruzhinji vakwanise kutevedzera matanho anenge atarwa.”

Dr Tedros vanoti mwedzi mishoma iri kutevera ichange yakaoma zvikuru kunyika dziri kutambudzwa zvakanyanya neCovid-19.

“Mwedzi mishoma inotevera ichange yakaoma zvikuru kuvanhu vakawanda vari munyika dzakatarisana nekunyuka kwechirwere ichi kechipiri, kunyanya kunyika dziri kuNorthern Hemisphere. Tinokurudzira vatungamiriri kuti vatore matanho akasimba ekuchengetedza upenyu, kuvandudza nyaya dzeutano uye kuti zvikoro zvisavharwe zvakare,” vanodaro.

Dr Tedros vanoti pane zvakawanda zvadzidzwa kubvira pakatanga Covid-19 izvo zvinofanirwa kushandiswa panguva iyo pasi rose riri kutambudzwa nedenda iri.

“Pane nyaya dzinoshamisa zvikuru dzetariro, kutivirira kwevanhu pamwe nemashandiro ane mutsauko ave kuitwa nevemabhizimisi zvichitevera kutanga kwakaita chirwere ichi uye tinofanirwa kugoverana huchenjeri uhu.”

Vanoti zvakakoshawo kubatana mukumisa kupararira kweCovid-19 uye kugovana zvakaenzerana midziyo nezvimwe zvekushandisa mukurwisa denda iri.

Kusvika nemusi weChipiri, Zimbabwe yange yava nevanhu 8 315 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa kubvira pakatanga denda iri muna Kurume wegore rino.

Pavarwere ava, 7 804 vakatopona asi vamwe 242 vakafa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×