Zviri Mugapu: Usadherere misoro yehuku

naMuchaneta Chimuka

MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire.

Svondo rino Tarisai Maravanyika wemuHarare anorondedzera mabikirwo emandorokwati enyama iyi.

Zvinodiwa:

Misoro yehuku, mafuta, matomatisi, hanyanisi, munyu, chikari kana poto.

Mabikiro:

Geza misoro yehuku uchiibvisa rurimi.

Bvisa makushe kana kuti mambava anenge asarira uchishandisa mvura inopisa. Dimbura miromo urase.

Wozodii?

Chimwaya munyu nezvimwe zvinorungiswa se“chicken spice”.

Isa mafuta mupoto wosiya apise, wozokanda misoro yehuku wochikanga.

Kana ichinge yatsvukira, chikanda hanyanisi wokanga kwemaminitsi matatu.

Mushure meizvi, chikanda matomatisi pamwe nekuita kuti muto usare wakatsvukira.

Misoro yehuku usaidherere nekuti unozviruma rurimi nekunakirwa!

Inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×