A-LEVEL — Mubairo: Maiguru namainini vanorwa

CHITSAUKO 27: Nyaya Yacho (Enderero mberi)
AMAI vaTendai vachinzwa zvainge zvaitika vanogumbata ndokurukutika vabatira mweya muchipfuwa. Mai Tichaona vachiona kuti amai vaTendai vakange vasina kufarira zvakange zvaitika kumusha vanozovati vavatemhere muriwo wemakumi mana emasendi vozovapa mari yacho manheru vauya kumba.

Mai vaTendai vanovatenda nekubvutira kwavaita amai Musekiwa dombo ravenge voda kutsonda naro mumwe wavo.

Mai vaTichaona vaburitswa kunze kwebindu vadzokera kumusha, amai vaYeukai vanosara vachitenderera vakabereka mawoko kumusana vachizeza kusvika pedyo naTendai vachifunga zvabva mukuitika. Vanozoerekana vasvika pedyo nevana vavo avo vanovabvunza kuti botso rainge richinzi raitika kumba raive rei, ndokuvataurira kuti zviri kunzi maiguru namainini varwa asi havana kunzwisisa nhau yacho nekuti amai vaTichaona vainge vakafarisa vachingoseka.

Vanoudza Tendai kuti zvaamai vaTichaona hazvisi zvekuisa mumusoro nekuti vanoreva nhema chaizvo, mhinduro iyo inogutsa Tendai. Vapedza basa vanoenda kumba ndokuona matserendende, ropa, tsoka dzevanhu nedzembwa mudzimai mukuru ndokugutsikana kuti painge paitika chitsvuku. Vanozotevera vana vosvika pamba ndokuona George asingaratidzi kuti pane zvakange zvaitika.

Manheru, vanoenda kwaamai vaMusekiwa ndokuvaona vakakomba choto kumeso kwakazvimba mhuno ichibuda ropa. Kudovanyengetedza kuti vaende kuchipatara asi ivo vanoramba. Kwaamai vaMandizvidza vanovawana vachangobva kugeza, vakasunga dhuku rainge rakarembedzerwa kunzeve yeruboshwe. Kudovanyengetedzawo kuti vaende kuchipatara asi vanoramba, amai vaYeukai ndokudzokera kumba kwavo.

ONGORORO:

Chitsauko ichi chinosvika pamabiribobi kana parutanhari kana kuti nhokonyapfungwa (climax) pakati peukama (relationship) hwaamai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza. Zvinhu izvi zvinotanga kuratidzwa nekushandiswa kunoitwa bumbiro remavara “-ka-” na”-tw-” naamainini vachinyomba maiguru sokudai: “Hakanyare kakadzi kakuru kutukira mwana nhau yebhora? Kanongoti svoko-svoko twuziso twakapunda. Hoo ona!” (101).

Tinovanzwazve vachiti, “Ya-a kakadzi kakuru kasinganyare kupa mwana zita rokuti Musekiwa. Imbwa ndokuti Garikai”, (102). Chokwadi kutaura kwakadai hakungarege kutushura shungu dzaamaiguru avo vanoregedzera ino mbama kuna amainini inonzikwa kurira kuti paa iyo inotsanangurwa ichinzi “yechipurisa”, (102)

Amaiguru varamba kuita sembwa inodya marutsi ayo. Ivo ndivo vakaresva kutaura apo vakati Sheila asatambe naHazvinei nekuti mwana wevaRungu zvino vanoramba kuenda kunokumbira ruregerero kuna George. Nyaya chaiyo inokonzeresa zvese izvi ndeyekuti madzimai aya nemhuri dzavo havadi kuzviriritirawo nemawoko avo vakagona kurima muriwo mumapindu avo kuti zvigovapundutsa.

Kuitika kwezvinhu kunobuditswa nekushandiswa kunoita kudimikira. Pakunotangana naGeorge nenhau yemuriwo, amai vaMandizvidza vanoona kuti vanofanira kubatana naamai vaMusekiwa kuti zvinangwa zvavo zvokuwana muriwo zvibudirire, saka vachiti, “nokuti imbwa mbiri hadzitorerwe nyama”, (100).

Nyaya yemuriwo iyi ndiyo yanetsa kumhuri dzevaviri ava. Muriwo uyu uri kunetsa “ndiwo uri kubvunza mutupo”, (100). Apo vanoona kuti George avepo pamba vanoti zvanaka vanhu ndokutarisira chinyararire kuti muriwo vachauwana izvo zvinonzi, “. . . tange totokwenya mhuno nekasiyanwa”, (100)

Nyaya yekurwa kwevana inyaya isina nebasa rose kana kuti yemangamanga saka George achiti “pamusoro pezvekutungana kwembudzi”, (100). Amai vaMusekiwa vakatadza kutaura izvo amai vaMandizvidza vanoti, “muromo wenyu wamakaregerera”, (101). Panotanga madzimai aya kupopotedza vachipanana ekufuga neekuwaridza, Peter anoshaya zvokuita achinzwa vanaamai “vachikandana makobvu”, (101).

Enderero mberi svondo rinouya.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×