Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko.

Tanatswa Muhomba ane varume vaviri. Wokutanga anonzi Godfrey Mutsago (35), ari wekwaSabhuku Piki, kwaMambo Zimunya. Wechipiri anonzi Takudzwa Mahlunge (22), achibva mumusha mumwe chetewo waSabhuku Piki.

Nyaya yemudzimai uyu, uyo ane mwana mumwe chete, yakatopinda mudare raMambo Zimunya nomusi weMugovera wadarika.

Varume vaviri vakaparikwa nemudzimai uyu, zvose naiye, vanopinda imwe chechi yechipositori ine mukurumbira mudunhu iri.

Zvakabuda mudare kuti Muhomba, anova nherera, aigara naambuya vake, amai vaamai, Mbuya Ketty Musikavanhu (66), apo akatanga kudanana naMutsago mugore ra2024.

Mutsago akazobvisa roora reUS$1 100 kuvabereki vaMuhomba.

Achitaura mudare, Mutsago anoti abvisa pfuma iyi haana kutora mudzimai wake sezvo aida kuzoita mutambo wekugadzirira kuchata.

Anoti izvi hazvina kuzoitwa sezvo mudzimai wake akazotiza pamba paambuya vake.

Muhomba anonzi akatanga kudanana naMahlunge mushure mekutiza kwaakaita.

Panguva iyi Mahlunge aitengesa gasi munzvimbo imwe chete iyi asi pari zvino ave hwindi.

Vaviri ava vakazopedzisira vatizisana.

Mambo Zimunya vakaona sokuti mudzimai uyu ane chipari chevarume, izvo zvisingabvumidzwi pachivanhu, kunyangwe pasi pemutemo wenyika.

Murume wokutanga, anova Mutsago, mukorokoza kana kuti gweja, wechipiri ari hwindi.

Mahlunge akaudza dare kuti akazodanana nemudzimai uyu asina kuziva kuti aive nemurume.

“Ndakadanana nemudzimai uyu pasina kuziva kuti aiva nemurume, tichibva tatorana zvaizivikanwa naambuya vacho. Ndakazoshamisika ndave kunzwa kuti aiva nemurume, tave kushevedzwa kudare rino. Handichazivi kuti mwana ndewani chaizvo, pakati pedu tiri vaviri,” anodaro Mahlunge.

Muhomba anoti akamanikidzwa naambuya vake kudanana naMutsago. Anotizve mumwoyo wake haana kumbobvira amutora semurume wake.

“Hongu, Mutsago akauya, ndokubvisa mari yekuroora kumba kwedu, iyo yakanobvisirwa kuShamva, asi ndaisamuda. Akazoenda zvachose; haana kudzoka zvakare. Ini ndakazodanana nemurume wechipiri uyu, Mahlunge,” anodaro Muhomba.

Mbuya Musikavanhu vakabvuma mudare kuti muzukuru wavo uyu aiva nechipari chevarume.

“Ichokwadi murume wokutanga uyu akabvisa mari yake yeroora kumadzitezvara ake kuShamva ini ndiripo. Wokutanga uyu akazoenda, mwana ndokuzotiza pamba, akanotanga kudanana nemurume wechipiri uyu. Vose ndinovaziva, kunyange wechipiri uyu asina kubvisa pfuma.

Pachivanhu wandinoziva ndewokutanga,” vanodaro Mbuya Musikavanhu.

Mutsago akabuda pachena mudare kuti akanga ave kuda kudzoserwa mari yake yeroora, US$1 100, yakapetwa katatu ichibva kuna Mahlunge.

Nyaya yokuti Muhomba akange ave nevarume vaviri inonzi yakambosvitswa kuvakuru vekuchechi kwavanopinda asi pakashaya chakagadzirika.

Mushure mokunge Mambo Zimunya nemakurokota avo vazeya nyaya iyi, zvakabuda kuti muridzi wemwana pavarume vaviri ava aisazivikanwa sezvo vose vairara nemudzimai uyu panguva imwe chete.

“Sezvo amai ava vaine chipari chavo chevarume, pave kuda ongororo kubva kune vanoita zveDNA kuti mwana ndewani pavarume vaviri ava. Mudare rino tave kudawo vanatezvara vevarume ava, kunyange mumwe uyo hwindi chiri chikomba chisina kubvisa kana mari, kuti vauye muno vazotiratidza mukuwasha wavo chaiye,” vanodaro Mambo Zimunya.

Vanoti pachauya madzitezvara, vachapa mutongo wokuti mukuwasha mukuru uyu adzoserwe mari yake yaakaroora nayo.

“Mutemo wemunyika medu haubvumidzi madzimai kuti aite varume vakawanda. Nyaya iyi iri kudzoka mudare rino masvondo anotevera,” vanodaro Mambo Zimunya.

Related Posts

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×