Akadashurwa nemudzimai

HARAHWA ine makore 60 ekuzvarwa, iyo yakarikitwa kurohwa nanyachide wayo mushure mekunge vatadza kunzwisisana, yakazotizira kumatare edzimhosva.Mutongi Blessing Murwisi akapa Ester Muronga (39), wepanhamba 614 St Mary’s, kuChitungwiza, chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemina mushure mekumubata nemhosva yekurova murume wake, Funny Mashingaidze (60).

Mutongi uyu akazosendeka mwedzi minomwe yechirango ichi padivi paine chitsidzo chekuti Muronga haapare imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa18 Mbudzi munguva dzemangwanani, Muronga akauya ndokutora mbatya dzake. Izvi zvakaita kuti pave nekusanzwisisana nemurume wake achibva amutema nesimbi kumeso uye paruwoko rwekurudyi.

Mashingaidze akabva aenda kunomhan’ara kumapurisa zvakaita kuti mudzimai wake asungwe.

Pakumira kwaakaita mudare, Muronga akabvuma mhosva yake achiti akarwa nemurume wake mushure mekunge vatadza kunzwisisana.

“Ndinobvuma mhosva yekurova murume asi ndakamurova mushure mukunge atanga kundirova iye,” akadaro Muronga.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *