Fungai Muderere
ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo nekuzadzikiswa.
Mwaka uyu paunopinda muchikamu chawo chakakosha, uwandu hwezvibodzwa zvagohweswa izvi hunotaridza kuti mutambo uyu wakora muto.
Ari kutungamira panyaya dzekunwisa zvibodzwa ndiWashington Navaya, mutambi wepamberi wechikwata cheHardrock, uyo ari kuonekwa seane unyanzvi hwepamusoro hwekugohwesa aine zvibodzwa gumi nezvishanu.
Seumwe wevatambi vanogara vachinwisa nguva dzose mwaka uno, Navaya ndiye ari kutarisirwa kuwana mubairo weGolden Boot (weanonyanya kunwisa).
Ralph Kawondera, mutambi wepamberi weHerentals, ndiye ari kumutevera ari pedyo pedyo, aine zvibodzwa gumi nezviviri, ukuwo Frank Agyemang weDynamos naKhama Billiat, mutambi ane ruzivo rwakakura weScottland, vaine zvibodzwa gumi pamumwe nemumwe wavo.
Chikwata cheScottland chiri kuitawo zvakanaka zvikuru panyaya dzekunwisa, apo Knowledge Musona akagohwesa zvibodzwa gumi, Walter Musona zvipfumbamwe.
Kutamba kwavo kunodakadza uku kwakaita kuti chikwata chavo chive pakati pezvimwe zvine vatambi vanonyanya kunwisa zvibodzwa mumakwikwi aya.
Zvisinei, ongororo yakadzama yeuwandu hwezvibodzwa zvanwiswa inoratidza chimwe chinhu chinonakidza zvikuru.
Vatambi vane chitsama vabatsira nezvibodzwa zvakawanda mwaka uno. Mutambo wevhiki yechimakumi maviri nesere (week 28) unoratidza kuti vatambi kubva kuzvikwata zvose vakabatsira panyaya iyi.
Kubva kuvatambi vane mukurumbira kusvika kune vari kusimukira, unyanzvi hwekunwisa zvibodzwa huri kubuda pachena mumakwikwi ose.
Simba reHardrock panyaya dzekunwisa harigumiri panaNavaya chete, sezvo Wilfred Madzunga akanwisa zvibodzwa zvinomwe, ukuwo Sambulo Semelane, Tinashe Mashaireni naPrince Dube vakabatsirawo zvikuru.
Zvikwata zvakaita seBulawayo Chiefs, CAPS United, Chicken Inn, Dynamos, Highlanders, MWOS, Ngezi Platinum Stars, FC Platinum, Herentals, Manica Diamonds, Simba Bhora, TelOne, Triangle neZPC Kariba zvose zvakava nevatambi vakanwisa zvibodzwa, zvichiratidza kuti unyanzvi hwekurwisa nekunwisa hwakapararira muzvikwata zvose zviri mumakwikwi aya.
Uwandu uhwu hunoratidzawo kuti zvibodzwa zvakanwiswa hazvisi zvevatambi vekumberi chete.
Vatambi vepakati nevamwe vane mabasa ekurwisa vakaita basa guru, zvichiwedzera kunakidza kwemakwikwi emubairo weGolden Boot.
Nezvibodzwa 476 zvanwiswa kusvika parizvino, kuti ligi isvike pakunyora nhoroondo yezvibodzwa 500, yasarirwa nezvibodzwa 24 chete.
Kana vatambi vezvikwata zvakasiyana-siyana vakaramba vachipisa sezvavari kuita parizvino, uwandu hwezvibodzwa izvi hunogona kusvikwa munguva pfupi iri kutevera.
Makwikwi emubairo weGolden Boot anoramba achinakidza zvikuru. Kunyangwe zvazvo Navaya akawana mukana wekutungamira vamwe, kune vamwe vatambi vanowanzonwisa zvibodzwa vari pedyo naye uye vanogona kuderedza musiyano uyu mwaka usati wapera.
Chibodzwa chimwe nechimwe chinogona kuva chakakosha zvikuru, kwete pakutsvaga mibairo yemunhu mumwe chete, asiwo kuzvikwata zviri kurwira mapoinzi akakosha muligi iyi.
Kuvatsigiri venhabvu, uwandu hwezvibodzwa zvanwiswa kusvika parizvino hunoratidza mwaka uzere nekunakidza. Zvibodzwa zvinounza mafaro, zvinoshandura mafambiro emutambo uye, chinonyanya kukosha, zvinokwezva vatsigiri kuti varambe vachiuya kuzoona mitambo vhiki nevhiki.
Sezvo mitambo yePSL yave kupinda muchikamu chokupedzisira, mubvunzo hauchisiri wokuti zvibodzwa 500 zvichanwiswa here asi kuti rinhi.




