Akadashurwa netsvina kumeso

Muhamed Komboni
MURUME anogara kuChikanga, kwaMutare, akamiswa mudare redzimhosva reko achipomerwa kurova mumwe mudzimai nezvibhakera zvikaita kuti asare akuvara zvakanyanya mushure mekunge amurova nepamper rakashandiswa kumeso.

Hilary Kudzanai Machenge (19) akamhan’arirwa kudare reMutare Magistrate’s Court naMuzvare Notebulgah Muchineripi achipomerwa mhosva yekurikita Gelly Tsikada (21) zvikaita kuti abve mazino maviri.

Muchuchisi Nyasha Gerald Mukonyora anoudza dare kuti nomusi wa7 Mbudzi gore rino, Machenge akaenda kumba kwaTsikada achinokumbira hosipaipi yekudiridzisa.

Machenge akabva audzwa kuti ambomira sezvo hosipaipi yaaida yakange ichimboshandiswa nemumwe munhu akangozivikanwa saTadiwanashe saka aizopihwa mushure mekunge yapedza kushandiswa.

Tsikada anonzi akabva atema Machenge kumeso nepamper raainge akabata zvikaita kuti ashatirwe ndokumurova nezvibhakera nekumukava nemakumbo.

Tsikada akakuvara ndokuguka mazino maviri nekurohwa uku achibva amhanyiswa kuchipatara cheMutare Provincial Hospital.

Tsikada anonzi akanga asina chinangwa chekutema Machenge nepamper kumeso asi zvakaitikawo netsaona.
Mukumira kwaakaita mudare, Machenge anobvuma mhosva yake achiti akarova Tsikada mushure mekunge amutema kumeso nepamper rakashandiswa.

“Handina kumurova nezvibhakera, ndakamurova nekuseri kweruoko, ndakashandisa simba rakawanda zvikaita kuti akuvare,” anodaro Machenge.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *