Akaigochera pautsi

Muchaneta Chimuka
NYAKUTYORA gwaro rerunyararo rainge rambotarwa nedare akazvisikira moto muziso sezvo akazotongerwa kubvisa faindi ye$100 nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts uye kukundikana kwake aizonodya refovhoro kwemwedzi wose. Trymore Justine (36), wepanhamba 17772 Unit L, kuChitungwiza akamira pamberi pemutongi Lazraus Murendo ndokukonwa nemhosva.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa19 Nyamavhuvhu gore rino, mumhan’ari Mineji Rarafia wepanhamba 15477 Unit “F”, Seke akakumbira dare kuti rimupe magwaro anomuchengetedza kubva kuna Justine uyo aigara pamba pemwanakomana wake kuUnit L.

Magwaro aya akange aakumbira mushure mekunge arohwa naJustine mumwedzi waKubvumbi gore rino.
Zvisinei, nomusi wa27 Gunyana munguva dzemangwanani, Rafaria akaenda kumba kwaJustine achida kunotora mari yake yerendi apo aiperekedzwa neshamwari yake, Munetsi Kasheedza, anove mufakazi panyaya iyi.

Nekutya kuti Justine aigona kuzomurova zvakare, akabva atuma shamwari yake iyi kuti ibvunze kuti akange asiirwawo here mari yake nemumwe wemaroja.

Justine akabva abvunza Kasheedza kuti akange atumwa nani kuti amubvunze izvozvo achibva amupindura kuti akange aperekedza Rafaria kuzotora mari yerendi.

Akabva atangisa kuita hasha achibva arova Rafaria achimuti ane zvikwambo nokudaro aitoda kumuuraya chaiko.
Mushure mekuona kuti mutambo wainge waipa, vaviri ava vakatiza kubva pamba apa.
Dare rakaona kuti kuburikidza nechiitiko ichi, Justine akatyora mutemo wegwaro rekuchengetedza runyararo iro raakambopihwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×