Akakiira kamwana kuChi-town ndokunosasana kuBeitbridge

Shamiso Kufaruwenga
PFAMBI yemakoko yekusiya yakiira mwana wayo ane makore maviri ekuberekwa mumba kuChitungwiza ndokuenda kuBeitbridge kunosasana yakazochechuka yamiswa mudare apo yakabatwa nemhosva yekusiya kamwana aka koga.
Muchuchisi weChitungwiza Magistrate’s Courts, Wilson Matsika akati Sonia Chamunorwa (19), wepanhamba 1530 Mashakada, kuBeitbridge, uyo anoita basa rechipfambi munzvimbo iyi, nguva yadarika akauya kumba kwehadzvadzi yake, Anderson Chamunorwa, kuChitungwiza aine kamwana kake. Sonia akazomuka mambakwedza ndokuverera achisiya akiira mwana uyu mumba achidzokera kuBeitbridge.

Mwana uyu akazosara achichema Anderson ndokuenda kunoona kuti chii chaitora nzvimbo apo akawana akakiirwa mumba ari oga. Anderson akazotora mwana uyu ndokuenda naye kune imwe hanzvadzi yake iri kuDomboshava, Florence Tinarwo, uyo akazogara nemwana iyeyu kusvikira vanotsvaga Sonia kuBeitbridge.

Achipa huchapupu mudare, Tinarwo akati Sonia ipfambi yemandiriri yaizivikanwa muBeitbridge yose.

“Mwana uyu atori pfambi yemakoko kubhodha uku, ndakatya nazvo munhu kusiya kamwana kega mumba kwave kutodzokera kumafaro? Chipfambi chakazombobhadhara kupiko kana kuti iwe ndiwe unopera?

“Kumutsvaga kubhodha uku hakuna kumbondinetsa, ndakangotaura zita rake varume vemagonyeti vakati vanomuziva. Zvino kuti ndiende kumba kwake ndakaziva kuti anotiza nokudaro ndakakumbira mumwe wevarume ava kuti amufonere ini ndokukwenyera mapurisa. Pasina nguva, mwanasikana akasvika akapfeka kano kapombi, ndakaoma mate mukanwa nazvo. Ndipo paakabva asungwa,” akadaro Tinarwo.

Mutongi Masaiwona Shortgame akati hutsinye hukuru kusiya kasvava kari koga nokuda chipfambi nokudaro Sonia akatongerwa kunodya refovhoro kwemwedzi mitanhatu. Mutongo uyu wakazosendekwa wose padivi kwemakore mashanu sezvo Sonia kaive kekutanga kake kupara mhosva yakadai.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×